Vamwe vagari mumatunhu ekuMwenezi nekwaChivi kuMasvingo vari kuchema-chema kuti vave kuparadzwa nenzara sezvo vakatadza kuwana goho rakanaka izvo zvoita kuti vakumbire rubatsiro rwechikafu kubva kune vanokwanisa
kubatsira.
Vagari vemumaruwa ematunhu aya vanoti havachina chekubata sezvo
chikafu chavakawana mugoho rekwaka wapera chakatopera kare uye mwaka uno
havana chavakawana muminda sezvo mvura isina kunaya zvakanaka.
Vagari ava vanoti vave kutotadza kudya chikafu katatu pazuva
sezvinotairisirwa sezvo vasina mari yekutenga chibage kana upfu
muzvitoro uhwo hwavanoti hwave kudhura zvikuru.
VaTobias Chauke vekuChipangayi, kuMwenezi vanoti vakatarisana nerufu
vakasawana vanovabatsira nechimbi chimbi.
Vagari vekumaruwa aya vanoti munzvimbo dzavo masangano anobatsira
nechikafu munguva dzenzara haasati asvika kwavari uye hurumende
haisatiwo yatanga zvirongwa zvekubatsira nechikafu.
Vamwe vagari vakaita saAmai Shanangu Matapura vekuMhandamabwe kwaChivi
vanoti vave kurarama nehwakumukwaku.
Mukuru webasa musangano rinorwira kodzero dzevanhu mudunhu reMasvingo
reMasvingo Community Deleopment Trust (MACODET), VaMunyaradzi Matimbe,
vakurudzira masangano anobatsira vanhu nechikafu pamwe nehurumende
kuti vabatsire vanhu nekukurumidza.
Vamwe vagari vanoti nekuda kwenzara iriko vave kutotengesa zvipfuwo
zvavo kuti vawane chikafu chekudya nevana izvo zvinogona kuti vasare
vasina mombe, mbudzi nezvimwe zvakadaro.
Apowo veMACODET vawedzera vachiti vana vazhinji vanogona kurega kuenda kuchikoro nenyaya yenzara iyi sezvo vabereki vavo vachisarudza kushandisa mari kutengesa chikafu mudzimba pane kubhadhara kuchikoro.
Gurukota redunhu reMasvingo, VaEzra Chadzamira, vange vasingadairi nharembozha yavo uye vanga vasati vapindura mibvunzo yatavatumira pataenda pamhepo.
Ukuwo, munyori muhofisi yaVaChadzamira, VaJefter Sakupwanya, vati
hurumende ine zvirongwa zvekubatsira vanhu muMasvingo.
Gwaro rakaburitswa nesangano reFamine Early Warnings Systems Network
kana kuti Fewsnet rinoti vanhu vanosvika miriyoni imwe nezviuru mazana
mashanu vanoda rubatsiro rwechikafu munyika zvichitevera nzara iriko.
Ukuwo, sangano reWorld Food Programe kana kuti WFP rinoti zvinhu
hazvina kumira zvakanaka munyika uye rinotsinhirana neFewsnet kuti
vanhu vanopfuura miriryoni vanoda chikafu.
WFP ine zvirongwa zvekubatsira vanhu vansovika zviuru mazana matanhatu
nemakumi mashanu kana kuti 650 000 munyika mese.
Mwaka uno mbeu dzakaita sechibage, mapfunde, mhunga nerukweza
zvakatsva nezuva apo mvura yakarambira mudenga.
Vamwe vagari vanoti vave kutorarama nemichero yemusango.
Your browser doesn’t support HTML5