Mapurisa Oburitsa Mazita eVanomwe Vakafa kuBucks Mine

This is Bucks Mine, Gwanda

Mapurisa oburitsa mazita evanhu vose vanomwe vakafa kumugodhi weBucks, Colleen Bawn, Gwanda.

Mumashoko kuvatori venhau, mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vakashaya vanoti maneja wwemugodhi uyu VaEzweni Masuku, VaCrispen Ndlovu vaive nemakore makumi matatu nemaviri vekuNekatambwe kuHwange, VaWisdom Munsaka vaive nemakore makumi maviri nemasere vekuSinamagonde, Binga, VaDesire Ncube vaive nemakore makumi maviri nemashanu vekuHwange, VaPanganai Chimuka vaive nemakore makumi maviri nematatu, VaMbangeni Chester vaive nemakore makumi mashanu nemapfumbamwe uye VaAbie Mudimba.

VaNyathi vakurudzira varidzi vemigodhi kuti vatevedzera mitemo yose inoona kuti vashandi havapinde munjodzi yekufa kana kukuvadzwa pavanenge vachishanda mumigodhi. Vanhu ava vakafa mushure mekunge tambo yaivapinza nekubuda mumugodhi yadimbuka nemusi wemugovera vachibva vadonhera mumugodhi.