Rwendo rwaVaMnangagwa kuSwitzerland Rwoonekwa Zvakasiyana muNyika

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakasvika kuDavos, kuSwitzerland neMuvhuro kumusangano weWorld Economic Forum neMuvhuro.

VaMnangagwa vakaenda negurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube, gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaFrederick Shava uye gurukota rezvemaindastiri Amai Sekai Nzenza.

Vamwe vakuru vemakambani akazvimirira nevashandi vehurumende vemapazi akasiyana siyana vakaendawo kumusangano uyu.

VaShava vakaudza Studio 7 kuti kumucheto wemusangano uyu, VaMnangagwa nemakurukota avo vachayedza kuita misangano yekuyedza kugadzirisa hukama nedzimwe nyika uye kukwezva vemabhizimisi vekunze.

Vatsigiri veZanu-PF vaendawo kumusangano uku uko vari kuratidzira vachitsigira VaMnangagwa nekukurudzira kuti zvirango zvavakatemerwa vachipomerwa mhosva yekutonga nedemo zvibviswe.

Nhengo yeZanu-PF mudunhu reUK VaMasimba Mavaza avo vari kuDavos vaudza Studio 7 kuti vanotarisira kuti mutungamiri wenyika achakwanisa kukwezva vekunze kuti vazotange mabhizimisi munyika.

lition for Change VaTendai Biti vaudza Studio 7 kuti nyaya yekutyora kodzero dzevanhu uye mitemlo yezvemabhizimisi isina kujeka zvinopa kuti vekunze vasade kuuya nemari dzavo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTendai Biti

Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi VaMasimba Kuchera vaudzawo Studio 7 kuti haaone paine chouviri chichawana Zimbabwe kumusangano uyu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMasimba Kuchera