Vechidiki kubva kumapato matanhatu ezvematongerwo enyika anosanganisira Zanu PF neCitizens Coalition for Change (CCC) nhasi acherechedza zuva reAfrica Day achiita mitambo pasi pechirongwa cheSports for Peace icho chinokurudzira runyararo munyika sezvo nyika yatarisana nesarudzo dza2023.
Mitambo iyi yaitirwa paBelvedere Teachers College muHarare.
Mitambo yanhasi yarongwa nesangano re4-H Zimbabwe Foundation pasi pezvirongwa zvayo zvekururudzira runyararo munyika. Mutungamiriri wesangano iri, VaJohn Muchenje vanoti vechidiki hafaniri kutomboita kana kushandiswa munyaya dzekukurudzira mhirizhonga.
Vachitaurawo pachiitiko chanhasi, sachigaro wechikamu chevechidiki mubato reLabour, Economists and African Democracts, Muzvare Caroline Mutasa, vati donzvo remutambo yanhasi rakanaka chose uye vadzidza kuti vechidiki vanogona kugarisana zvisinei nekuti vanobva kubato ripi.
Izvi zvatsigirwa nevakafanobata chigaro chemutevdzeri wemutauriri wevechidiki muCCC, VaWomberaishe Nhende avo vati zvaitiki nhasi idanho rakanaka mukudzivirira nyaya dzemhirizhonga munyika.
Vatiwo zvakakosha kuti vechidiki varwire nyaya dzavo kwete kungoshandiswa nevakuru muzvinhu zvakaita semhirizhonga.
Imwe nhengo yeZanu PF Youth League, VaTaurai Kundishaya, vaudza Studio 7 kuti chirongwa chanhasi chakanaka chose vachiti ndizvo zvagara zvichikurudzirwa nemutungamiriri webato ravo, VaEmerson Mnangagwa.
Chirongwa chanhasi chatsigirwa nemasangano akaita seZimbabwe Youth Council neParliamentary Youth Caucus.
Mutauriri wekomisheni inoona nezvekuumba runyararo munyika yeNational Peace and Reconciliation Commission, VaObert Gutu, vaudza Studio 7 kuti zvinofadza kana mapato ezvematongerwo enyika akaungana achiiti zvirongwa zvekuumba runyararo.
Mhirizhonga inowanda munyika panguva yesarudzo uye vechidiki ndivo vanowanzo shandiswa mumhirizhonga iyi.
Musarudzo dzemaby-election dzakaitwa muna Kurume mumwe wechidiki weCCC VaMboneni Ncube vakaurayiwa mumhirizhonga yezvematongerwo enyika kuKwekwe.
Kunze kweZanu PF, CCC neLEAD, mamwe mapato apinda mumitambao yanhasi anosanganisira National Constitutional Assembly, MDC-T neFront for Economic Emancipation. 4-HZimbabwe Foundation inoti zvirongwa zvakaita sechanhasi zvichaitwa mumatunhu ese munyika.
Your browser doesn’t support HTML5