CCC Inoti Mapurisa Haasi Kuratidza Kuzvipira Kutsvaga Muzvare Moreblessing Ali

  • Blessing Zulu

Muzvare Moreblessing Ali

Bato reCitizens Coalition for Change rinoti riri kushushukana zvikuru nemaferefeterwo ari kuitwa nyaya yenhengo yebato iri Muzvare Moreblessing Ali vakatsakatika musi wa24 Chivabvu.

Mutevedzeri wasachigaro webato reCCC VaJob Sikhala vaudza Studio 7 kuti vari kutaura nemhuri yeMuzvare Moreblessing inoti iri kushushikanawo kuti mai vavo havasati vazivikanwa kuti varipi kubva mwedzi wapera.

Asi mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti tivabate neMuvhuro kuti vatipe nezvepavasvika pakutsvaga Muzvare Moreblessing.

Asi mumashoko avakamboburitsa, mapurisa akati vakapedzisira kuonekwa vaina VaPius Jamba avo vasiri kuzivikanwawo kuti vari kupi pavakatsakatika husiku paChibhanguza Shopping Centre kuNyatsime.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJob Sikhala