Zimbabwe Yobatana neDzimwe Nyika Kucherechedza Zuva reVane Husope

Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika kucherechedza zuva revane husope kana kuti World Albinism Day. Dingindira regore rino rinoti takabatana kuti izwi redu rinzwikwe kana kuti “United in Making Our Voice Heard.”

United nations inoti yakasarudza dingindira iri kuti vanehusope vamiririrwe pane zvose zvinoitwa muhupenyu.

Mukucherechedza zuva iri kumatunhu akasiyana , muimbi ane mukurumbira, Loveness Mainato, anoimba nechikwata cheShooting Stars anga achifadza vazhinji kuchikoro cheCopota School for the Blind kuMasvingo pamabiko aitwa ekucherechedza zuva iri.

Mukuru wesangano reAlbino Trust in Zimbabwe, VaBruce Nyoni vaudza Studio 7 kuti izuva rakakosha rinorangaridza vanhu vose kuti vane husope vakakosha muhupenyu uye havafanire kubatwa neseri kweruoko.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuri naVaBruce Nyoni