Mohadi: Musangano Hauna Kusimba kuMasero Takanyeberwa

VaKembo Mohadi

Bato reZanu PF rinoti rave kutarisira kumadzishe pamwe nekumasabhuku kuti riwane rutsigiro rwevanhu mamirioni mashanu kutiri kunde musarudzo dzegore rinouya, mushure mekuona kuti rutsigiro rwavo rwekumasero harukwani sezvakabuda mumisangano yarakaita neMugovera.

Vachitaura pamusangano wavakaita nemasanhuku pamwe nemadzishe ekwaGutu paParadise Hotel nezuro, mutevedzereri wemunyori webato reZanu PF, VaKembo Mohadi vakati masabhuku nemadzishe anofanira kuwanira bato ravo mamirioni mashanu emavhoti kuti vakunde musarudzo dzegore rinouya.

VaMohadi avo vakadzingwa basa remutevedzeri wemutungamiriri wenyika vachipomerwa mhosva dzekuita zvepabonde nemadzimai akawanda kusanganisira vasori vaivashandira vakati ivo vakatora danho iri nekuti bato ravo rainyeperwa kuti rine vatsigiri vanosvika mamirironi mashanu iro risina.

Vanoti misangano yakaitwa neMugovera yemasero yakabudisa pachena kuti bato ravo harina vatsigiri vanosvika mamirironi mashanu nekudaro masabhuku anofanira kumanikidza vagari vavo kuti vandovhotera Zanu PF.

VaMohadi vakaenderera mberi vachiti masabhuku ose ndeebato ravo, anenge aramba kushandira bato ravo gore rinouya anozosangana nezvirango zvakaoma.

Vakaenderea mberi vachiti masabhuku anofanira kuona kuti vanhu vavo vasingadi kutsigira bato reZanu PF vashaiwa rubatsiro rwechikafu chinobva kuhurumende apo vanhu vakatarisana nenzara gore rino.

VaMohadi vakaenderera mberi vachiti kutanga mwedzi unouya mashabhuku anenge ave kutambira mari yekunze yekuAmerica inosvika makumi mashanu emadhora uye kuwedzerwa yemunyika yavagara vachitambira iyo isingasakwani.

Pamusoro pazvo vachatengerwa mabhasikoro nemagejo ekurimisa nehurumende semuripo wekuwekutsvagira Zaznu-PF rutsigiro.

Mashoko aVaMohadi ekupinza masabhuku nemadzihse munezve matongerwe enyika ashoropodzwa nemapato anopikisa pamwe nemasangano anorwira kodzero dzevanhu ati uku kutyora bumbiro remitemo renyika.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano revagari vemaGutu reGutu Residents and Rate Payers Alliance kana kuti GURRA, VaLloyd Mufudze vati Zanu PF iri kutyora chikamu 281 chebumbiro remutemo icho chinoti madzishe nemasabhuku haafaniri kupinzwa mune zvematongerwe enyika.

Izvi zvatsinhirwa nasachigaro wesangano rinomirira masangano akazvimiririra reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPeter Mutasa avo vakurudzira masabhuku kuti varambe zvavari kunzi vaite nekuti hazvisipamutemo.

Munyori wezvesarudzo mubato reCCC muMasvingo, VaGodfrey Madzikanda vashoropodza Zanu PF vachiti haitevedzeri mutemo wenyika.

VaMohadi vange vachigara mudhorobha reMasvingo kubva musi wa5 mwedzi uno vachiita misangano mumatunhu ose manomwe anoti, Masvingo, Chiredzi, Zaka, Mwenezi, Gutu, Bikita neKwaChivi uku kwavapedzisira nemusangano wavo nhasi nemasabhuku eikoko.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godfrey Mtimba