VaMnangagwa Vovhura Musangano wezveMitauro kuVictoria Falls

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vavhura zviri pamutemo musangano wemitauro yemuZimbabwe kana kuti “National Languages Conference”, kuVictoria falls mangwanani anhasi.

Vachitaura pamusangano uyu VaMnangagwa vati mudare reparamende munoshandiswa mitauro mitatu chete asi chishuwo chavo ndechekuti mitauro yese yemuZimbabwe icherechedzwe.

VaMnangagwa vati zvakakosha kudzidzisa vana mutaura sezvo zvichichengetedza tsika nemagariro evatema,

Musangano wemazuva matatu wakatanga nezuro uyu uri kuitwa pasi pedingindira rakanangana nezvekuva nemuono mutsva pakushandiswa kwemitaura mubudiriro yenyika kana kuti “Redefining the role of Zimbabwean languages for national development towards Vision 2030 and beyond”.)

Mumwewo ari kupinda mumisangano iyi kuVictoria Falls, mukuru wezvirongwa zvevechidiki mubazi rezvekurima, VaNikros Kanjengo vanoti vafarira mashoko ataurwa nemutungamiri wenyika.

Mutungamiri wesangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, Dr Takavafira Zhou, vanoti mitauro yakakosha zvikuru uye inofania kucherechedzwa.

Izvi zvatsinhirwa neimwe nyanzvi munyaya dzemitaura ichishanda nechikoro cheGeorge Washington University Law School muAmerica VaBenjamin Gatawa.

Aka ndekekutanga musangano we mhando iyi uchiitwa munyika. Musangano uyu uchabatsira pakunyorwa kwebhiri rezvemutauro richaendeswa kudare reparamende kuti rizotambirwa semutemo.

Zimbabwe ine mitauro gumi nemitanhatu inocherechedzwa mubumbiro remitemo kunyangwe paine mimwe yakawanda inoshandiswa nevamwe. Musangano uyu uri kuunganidza nyanzvi dzezvemitauro yechivanhu kubva munyika nemuAfrica nedzimwe nyika.