Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika pamwe nemamwe masangano anorwira kodzero dzevanhu vanoti vana veZimbabwe vari kuramba vachiiswa parumananzombe mune zvematongerwo enyika kuburikidza nemhirizhonga yavanoti iri kuitika munyika. kutyorwa kwekodzero dzevanhu pamwe nekumbunyikidzwa kuburikidza nekusungwa kwevemapato anopikisa nevanorwira kodzero dzevanhu.
Izvi zvinotevera kusungwa kwenhengo dzeCitizens Coalition for Change dzinosanganisira mutevedzeri wasachigaro vari mumiriri weZengeza West muparamende, VaJob Shikhala, mumiriri weChitungwiza North, VaGodfrey Sithole, nedzimwe nhengo dzebato rinopikisa iri mushure memhirizhonga yakaitika kuNyatsime kuChitungwiza.
Nhengo dzeCCC idzi dzakasungwa mushure mekurwisana pakati penhengo dzebato iri nedzeZanu PF zvakasvitsa pakupiswa kwedzimwa nekuparadzwa kwemidziyo mushure mekuwanikwa kwemutumbi wenhengo yeCCC, Muzvare Moreblessing Ali, wakakandwa mutsime pane mumwe musha makare muNyatsime.
Chiitiko ichi chinonzi nevanopikisa chakaitwa nenhengo yeZanu PF, asi veZanu PF vari kuramba kuti vane chekuita nenyaya iyi, uye murume akaponda Muzvare Ali, Pius Jamba, akatosungwa nemapurisa akatobvuma kuti ndiye akauraya.
Izvi zvose zviri kuuya pamberi pesarudzo dziri kutarisirwa gore rinouya, izvo zvinonzi nevanopikisa, vemasangano akazvimirira pamwe nevanhuwo zvavo munongedzo wekuti mberi hakuna kuchena.
Izvi zvinonzi zvave kuitawo kuti madzimai anoda kupinda mune zvematongerwo enyika aite mashoma vachitya kushungurudzwa sezvo zvematongerwo enyika muZimbabwe zvichinzi nevamwe zvafanana nekupinda muhondo chaiko.
Izvi zvinotsinhirwawo negwaro rinotarisa nyaya dzerunyararo munyika raparurwa kuBulawayo nesangano rinorwira kodzero dzevanhu re Zimbabwe Human Rights Association, rinonzi Zimbabwe on the Brink: Living in Fragile Peace, iro riri kudonongodza zvinonzi zviri kuitika munyika mune zvematongerwo enyika.
Sachigaro veCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPeter Mutasa vanoti ichokwadi kuti zvinhu hazvichina kumira zvakanaka munyika, vachiti munyika hamuna kugadzikana, zvinhu zvaita manyama amire nerongo.
VaMutasa vanoti mapurisa ari kungosunga vedivi rimwechete reCitizen's Coalition for Change achisiya vebato riri kutonga reZanu PF.
Vanoti vanotarisira kuti dai paine zvaitika panozosvika nyika kusarudzo dza 2023 kuitira kuti dai paine zvaitika kuti zvinhu zvigadzikane nekuti pari zvino munyika hamuna kumira zvakanaka.
Asi nhengo yeZanu PF, VaGilbert Muponda, vanoti hapana asingazive kuti kana nyika yave kuenda kusarudzo muZimbabwe vemapato anoshanda akazvimirira vanenge vatori patiketi ravo rekuti zvinhu zvifambe vapiwe mari dzavo (nenyika dzekumawirira).
VaMuponda vanoti kuti vanhu ivava vawane mari idzodzo vanofanirwa kutaura zvisiri izvo, kupesvedzera vanhu kuti vaite zvemhirizhonga pamwe nekuburitsa magwaro emanyepo.
Your browser doesn’t support HTML5