Africa Yokurudzira UN  Kuti Idzike Mutemo Unoomesera Vanoburitsa Mari muNyika neChitsotsi

Zimbabwe's Finance Minister Mthuli Ncube delivers a speech to present his mid-term budget statement on Aug. 1, 2019 in Harare.

Nyika dzemuAfrica dzinoti United Nations inofanira kuita chisungo chekudzivirira kuburitswa kwemari munyika idzi muchihwande kana kuti zvisina tsarukano uye chisungo ichi chinofanira kupa simba rekuti mari inenge yabuda munyika nenzira idzi idzorwe.

Asi dzimwe nyanzvi dzinoti izvi zvinogona kutora nguva kuti zviitike.

Masvondo maviri apfuura makurukota ezvemari muAfrica akaita chisungo chekuti paitwe chisungo, cheUnited Nations panyaya dzemitero kana kuti UN Convention on Tax, achiti pari zvino hapana hwaro hunodziviriri kuburitswa kwemari munyika muchihwande.

Asi nyanzvi munyaya dzekufambiswwa kwemari zvakare vari mukuru wesangano reTransparencey International Zimbabwe, VaTafadzwa Chikumbu, vaudza Studio 7 kuti vakamboenda kunyika dzakaita seSwitzerland ne France dzakaratidza kuti hadzina kusungununguka kupa humbowo maererano nemari dzinenge dzaendeswa kunyika idzi muchihwande kana kuti maFinancial Illicist Flows pachirungu.

Vatiwo pane dzimwe nyika dzinovimbisa vanhu ava kuti mari yavo inenge yakachengetedzeka uye hapana anoitora.

Mukurukota alwmuAfrica anotiwo nyika dzakapfuma hadzisi kuita zvinotarisirwa pasi pesangano reOrganisation for Economic Co-opeartion and Development kuti rimise dambudziko iri.

Chisungo chemakurukota yaya ichinouuya apo gwaro rakaburitswa nesangano reTax Justice Network riri kuratidza kuti nyika ndzidzo dziri pamusoro soro pekuvanza mari dzinoburitswa zvisina tsarukano kubva kuAfrica nemamwe matunhu.

Gwaro reFinancial Secrecy Index regore rino, rinoratidza kuti nyika dzakaita seAmerica neSwitzerland ndidzo dziri pamusoro soro pekuvanza mari dzinenge dzabva kuAfrica nedzimwe nyika dzichiri kubudirira.

VaChikumbu vati nyika dzemuAfrica dzakatanga kare kuti pave nechisungo cheUnited Nations Convetion on Tax asi vakati panenge pasina chido chekugadzirisa dambudziko iri zvikurusei nenyika dzakabudirira.

Asi VaChikumbu vanoti zvakakosha kuti hurumende dzemuAfrica pamwe nemasangano anoshanda akazvimirira varambe vachiita ruzha kuti United Nations igadziririse nyaya iyi.

Nyanzvi munyaya dzehupfui vachishanda nesangano reLabour Economic Development Research Institute, Dr Prosper Chitambara, vaudza Studio 7 kuti nyaya iyi inonetsa kugadzirisa nekuti vanhu vanowanzoita zvekuburitsa mari munyika nemukoto vanhu vane simba munyaya dzematongerwo enyik

Asi vati zvinofadza kuti dzimwe nyika dzave kuisa mitemo yekudzvirira kufambiswa kwemari zvisina tsarukano

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwezvirongwa musangano reZimbabwe Coalition on Debt and Devepement, VaJohn Maketo, vati makurukota emuAfrica asati aenda kuUnited Nations anofanira kujekesawo basa rawo panyaya dzemitero.

Africa inorasikirwa nemabhiriyoni makumi mapfumbamwe emadhora ekuAmerica gore rega rega uye Zimbabwe inorasikirwa nemabhiriyoni maviri pagore rega rega nemari mari inoburitswa munyika muchihwande kana zvisina tsarukano.

Hapana kana nyika imwe chete yemuAfrica inosungira kuti makambani ekunze aburitse magwaro emashandisirwo anoita mari izvo zvinonzi nenyanzvi zvinogona kuburitsa pachena kuti makambani aya anoendesa mari dzawo kupi.