Nyaya yeKutorwa kweZvinodhaka Yozeyiwa neZvizvarwa zveZimbabwe Zviri muAmerica

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Muzvare Savanna Madamombe

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinoshanda nesangano rinobatsira vanotora zvinodhaka, reMubatirapamwe Trust, Muzvare Savanna Madamombe, vanoti vari kupinda musangano weBuilding For Future, uyo uri kuitirwa kuKansas muAmerica kuti vazokurukura pamusoro pedambudziko rezvinodhaka.

Musangano uyu uyo watanga neChisnau uchipera neSvondo uye wakarongwa naMufundisi Jacob Maforo vekereke yeUnited Methodist Church.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinobva muAmerica, Canada neZimbabwe zvinosangana gore rega-rega pamusangano uyu, uyo wakamboitirwa padandemutande gore rapera nekuda kwedenda reCovid-19.

"Ndichange ndichizeya nezvenyaya yezvinodhaka iyo yanetsa munyika pari zvino," Muzvare Madamombe vaudza Studio7.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Savanna Madamombe