Misiro yeNhau, Chipiri, Chikunguru 12, 2022

Misoro yeNhau

Masangano anomiririra vashandi vehurumende anoti ave kubuda muNational Joint Negotiating Council (NJNC) umo vaisangana nehurumende kukurukura zvinonetsa vashandi vachiti hurukuro musangano iri kupedzera nguva.

Hurumende yoronga musangano nevemabhizimisi avo votengesa zvimwe zvinhu zvavo nemari yekuAmerica chete nekushaya simba kwedhora remunyika.

Vemabhizimusi, nyanzvi dzezvehupfumi pamwe nevashandi votaura pamusoro pedanho rehurumende kuburikidza nebazi rezvemari, rekutorera matanho makambani pamwe nevezvitoro vanonzi vari kutengesa zvigadzirwa nezvitengeswa zvavo mumadhora ekuAmerica vachiramba kutambira mari yemunyika.

Mutungamiri nemunyori mukuru vesangano reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe-ARTUZ, VaObert Masaraure naVaRobson Chere vomira pamberi pematare nhasi pazvikumbiro zvavo zvekuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso pamhosva dzavari kupomerwa.

Imwe nyanzvi munyaya dzezve hutano uye vari chiremba Dr Norbert Chitohwa vanoti huhwandu hwevanhu vari kubatwa nezvizvere zvepfungwa huri kuwanda munyika uye vazhinji havasi kuenda kunorapisa hama dzavo dzichiti ndezve chivanhu

VeZanu-PF neCitizens Coalition for Change votatsurana pakuti ndiyani ari kukonzera mhirizhonga pamberi pesarudzo dza2023.

Bazi rinoona nezvesarudzo reZimbawe Electoral Commission riri kukurudzira vanhu vakanyoresa kuvhota kusvika musi wa30 Chivabvu kuti vanotarisa mazita avo mugwaro revavhoti kutanga musi wa 17 kusvika 19 mwedzi uno sezvo poda kutanga kuganhurwa matunhu ekuvhota.

Muchirongwa chedu cheLivetalk; the Connection na8 pm nhasi, tiri kutaura nevechidiki vari muchirongwa cheMandela Washington Fellowship kana kuti YALI. Vechidiki vekuZimbabwe vakabatana nevamwe kubva kune dzimwe nyika dzemuAfrica kuita zvidzidzo muzvikoro zvepamusoro soro muAmerica zvakanangana nekurodza njere mumabasa akasiyana siyana.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

oVanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.