Mutungamiri weSri Lanka Otiza muNyika Mushure Mekuratidzira kweVanhu Kwakasimba

Vanhu vemuSri Lanka vachiratidzira

Mutungamiri wenyika yeSri Lanka VaGotabaya Rajapaksa nemudzimai wavo vatiza munyika iyi vachishandisa ndege yehondo mushure mekuratidzira kwakasimba kwange kuchiitwa nevanhu kuti vasiye basa.

Mauto anoti mutungamiri wenyika aenda muhupoteri kuMaldeves. Ange achitarisirwa kuzivisa nyika nezvekusiya basa nhasi.

Asi vanhu vabva vatangawo kuratidzira vari pamuzinda wemutungamiri wehurumende VaRanil Wickre-mesi-nghe vanzi vave kufanobata matomu vachiti vachasiya basa kana pave nehurumende itsva.

Vanhu vari kuratidzira nenyaa yehuori nekusamira zvakanaka kwehupfumi