Mutengo Chingwa Wotarisirwa Kukwira Mushure Mekukwidzwa KweMutengo weGorosi

Vashandi veGrain Marketing Board

Vanobika chingwa vanoti mutengo wechingwa unogona kukwira chero nguva zvichitevera kukwidzwa kwakaitwa mutengo wefurawu nesangano reGrain Millers’ Association of Zimbabwe.

Mugwaro ravakaburitsa nemusi weChipiri, sangano reGrain Millers Association of Zimbabwe rinoti rakamanikidzwa kuwedzera mutengo wefurawu nezvikamu gumi kubva muzana (10%) nekuda kwekukwidzwawo kwakaitwa mutengo wegorosi neGrain Marketing Board.

Mutungamiri weBakers Association of Zimbabwe, VaWellington Peyama vanoti mutengo wegorosi wakawezerwa kubva pa ZWD $239,360 kuenda paZWD $258,416

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaWellington Peyama.mp3

Zvichakadaro, imwe nyanzvi mune zvemabhizimisi inoti mamiriro akaita nyaya dze zvehupfumi munyika haana kunaka naizvozvo hurumende inofanirwa kuchinja zvekuita kana ichida kuti zvehupfumi zvigadzikane nekukurumidza. Muzvinafundo Elliot Masocha vanoti hurumende inofanirwa kufungisisa isati yadzika mitemo ye zvemari neye zvehupfumi hwenyika uye inofanirwa kuramba yakatarisisa kuona kuti mitemo iyi inotevedzerwa nevanhu nemakambani ose.

Your browser doesn’t support HTML5

HURUKURO naMuzvinafundo Elliot Masocha