Dare Rinorasa Nyaya yeSangano reCrisis in Zimbabwe Coalition yeKuti Ribvumidzwe neMapurisa Kuratidzira

  • Jonga Kandemiiri

Crisis in Zimbabwe Coalition

Dare redzimhosva rarasa nyaya yanga yasvitswa kudare iri nesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition richida kuti dare rirase danho remapurisa rekurambidza hurongwa hwekuratidzira kwanga kwakarongwa kuitwa nhasi nevanhu vachinyunyuta nemamiriro akaita zvinhu munyaya dzekodzero dzevanhu pamwe nedzehupfumi kwenyika.

Sachigaro veCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPeter Mutasa, vanoti mapurisa akadzivisa hurongwa hwavo hwekufora mumigwagwa uhwu nemusi weChitatu achipa zvikonzero zvekuti havana kuteedzera zvimwe zvinodiwa zvose pasi pemutemo weMaintenance of Peace and Order Act, izvo vanoti haana kudoma.

Vanoti matare ati hazvina kuipa zvakaitwa nemapurisa zvekuvarambidza kuratidzira.

Asi VaMutasa vanoti vanofunga kuti mapurisa anogona kunge akavanyima mvumo nezvikonzero zvinosanganisira zvekuti havana kunge vaisa nguva yavachatanga hurongwa uhwu, uye kuti vanhu vangani vachange varipo nezvimwe.

VaMutasa vanoti pari zvino vave mubishi rekuronga vachitungamirirwa nemagweta avo kuti vabude nerimwe gwaro idzva ravachasvitsa kumapurisa, uye kuti vabude nezuva ravachazopinda mumigwagwa vachitarisisa kuti mutemo unoti kudii.

Sangano iri rinonzi rasvitsawo gwaro renyunyuto kuZimbabwe Human Rights Commission pamwe neparamende.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro yaitwa naJonga Kandemiiri naVaPeter Mutasa