Mamwe Mapato Okurudzira Kusiya Basa kweGurukota rezveMukati meNyika, Mukuru weMapurisa, Pamusoro peNyaya yeNhengo yeZanu PF

Gurukota rezvemukati menyika, VaKazembe Kazembe. Mamwe mapato ari kukurudzira kuti vasiye basa nekutadza kwavo kusunga VaAbton Mashayanyika veZanu PF. (Columbus Mavhunga/VOA)

Mamwe mapato anopikisa ari kukurudzira gurukota rinoona nezvemukati menyika, VaKazembe Kazembe pamwe nemukuru wemapurisa, Commissioner General Godwin Matanga, kuti vadzingwe mabasa achiti vaviri ava vatadza kutorera matanho nhengo yeZanu PF, VaAbton Mashayanyika, vekuti mutungamiriri weCitizens Coalition for Change, VaNelson Chamisa nemhuri yavo vanofanira kuurawa.

VaMashayanyika vanonzi vakabuda pavhidhiyo raketenderedzwa pamadandemutande akawanda vachikurudzira mhirizhonga munyika pamwe kuti VaChamisa nemhuri yavo vanofanira kuurayiwa.

Mapurisa anonzi haana zvaakaita uye akatozotirimuka mazuva mashoma apfuura achiti ave kuferefeta nyaya iyi mushure mekunge gweta rinorwira kodzero dzevanhu, Amai Beatrice Mtetwa, vaanyorera tsamba pamwe nemamwe makomisheni akaita seZimbabwe Human Rights Commission vachikurudzira kuti nyaya iyi iferefetwe.

Mutungamiriri weDemocratic Party, Doctor Wurayayi Zembe, vaudza Studio 7 kuti Bishop Mashayanyika vakaganza pachena kuti VaChamisa, mhuri yavo, nevatsigiri vebato ravo vanofanira kupondwa asi hapana zvakaitwa nemapurisa.

Mutevedzeri wemutauririri weCitizens Coalition for Change, VaGift Ostallos Siziba, vaudza Studio 7 kuti zvinoratidza kuti mapurisa ari kuita basa ane divi raakarerekera.
Vati nhengo dzebato ravo dzinosanganisira VaJob Sikhala naVaGodfrey Sithole nevamwe, dzakasungwa dzichipomerwa mhosva dzavasina kupara asi vakapara mhosva iri pachena vasingasungwe.

Mutauriri werimwe bato rionopikisa reMovement for Democratic Change, VaWitness Dube vaudza Studio 7 vati vanoshamisika kuti VaMashayanyika havana kusungwa sei nekuti pane humbowo huri pachena hwekuti akapara mhosva.

Asi mutevedzeri wemurongi wemusangano muYouth League, VaTaurai Kundishaya vaudza Studio 7 kuti kana mapurisa ave kuferefeta nyaya yaVaMashayanyika zvinoratidza kuti ari kuita basa rawo nemazvo.

Vati hapana munhu anofanira kuudza mapurisa kuti anoita basa rawo sei vachiti mapurisa anotarisa nyaya imwe neimwe semamhan’garirwo ainenge yaitwa.
Komisheni inoona nezvekuchengetedzwa kwekodzero dzevanhu yeHuman Rights Commission neChina yakanyorera tsamba kuna Mai Mtetwa ichi vavimbisa kuti naiyo iri kuferefetawo imwe VaMashayanyika.

Mapurisa neChitatu akatiwo ari kuferefeta nhengo yeZanu PF iyi.

Vachitaurawo nezvenyaya yemhirizhonga neStudio 7, mutauriri weZanu-PF VaChris Mutsvangwa vakati hutungamiri hwebato ravo hahukurudzire mhirizhonga uye vanoita izvi vanofanira kumhan’arirwa kumapurisa.

Studio 7 yakundikana kubata Vakazembe Kazembe kanawo VaMatanga kuti tinzwe mativi avo panyaya iyi.

Taedzawo kubata mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi vati tivabate nemusi weMuvhuro vachiti pari zvino hapana chekutaura.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya yemapato ezvematongerwo enyika ina Godwin Mangudya