CCC Inoti ZEC, Mapurisa neMatare Opa Kuti Sarudzo Dzisina Mutauro Dzinetse Kutarisira Muna 2023

  • Blessing Zulu

Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change raita musangano nevatori venhau nhasi rikati harisi kufara nemamiriro akaita zvinhu nyika yatarisana nesarudzo dza2023.

Bato iri raratidza kusafara nezviri kuitwa neZimbabwe Electoral Commission uye mapurisa nematare. Vakafanobata chigaro chemutauriri webato Muzvare Fadzayi Mahere nevakafanobata chigaro chemunyori munyaya dzesarudzo ivari kanzura muHarare VaIan Makone ndivo vakokera musangano uyu. Bato reCCC rinoti harisi kufara nehuwandu hwevanhu vari mugwaro revavhoti vari kunzi neZEC vane mazita sina kunyorwa zvakanaka.

Vachitaura neStudio 7, VaMakone vatiwo mutemo unenge uri kutarisa kuti wabuda mumba maani sezvo nhengo dzavo dzinosanganisira mumiriri weChitungwiza North VaJob Sikhala uye VaGodfrey Sithole vari muhusungwa kuChikurubi vachipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga kuNyatsime vachinyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso nematare.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaIan Makone

Dzimwe nhengo dzeCCC gumi nevatatu dzakasungwawo. Asi bato iri rinoti riri kushamisika kuti sei veZanu-PF vakatanga mhirizhonga kuNyatsime vamwe vachibuda pamavhidhiyo vasina kusungwa.

Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vanoti hakuna akamhan’ara. Mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi vanoti mutemo hautarise kuti wabuda mumba maani.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTafadzwa Mugwadi