Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Nyamavhuvhu 25, 2022

Shona Headlines

Gurukota rinoona nezvemitemo VaZiyambi Ziyambi voshorwa nemasangano akazvimirira nemapato anopikisa mushure mekuti vari kupomerwa mhosva dzekuponda munguva yeGukurahundi vakatoregererwa nevaive mutungamiri wenyika mushakabvu Robert Mugabe.

Mumiriri weChegutu West mudare reparamende VaDexter Nduna vamiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva dzekugovera vanhu minda zvisiri pamutemo vasungunurwa vachinzi vatongwe vachibva kumba.

Bazi rezvehutano muSouth Africa roferefeta Dr Phophi Ramathuba nhengo yebazi rezvehutano mudunhu reLimpopo vari kupomerwa mhosva yekubuda pavhidhiyo vachishungurudza chizvarwa cheZimbabwe chairapwa kuSouth Africa.


Mhirizhonga yezvematongerwo enyika, iyo chave chigariro kuti inonyuka pose panenge nyika yatarisana nesarudzo, inonzi yatowedzera mumatunhu emunyika akawanda, zvikuru kumaruwa, uko nhengo dzebato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change dziri kuchema kuti dziri kutadziswa kuita misangano yadzo nenhengo dzebato riri kutonga reZanu PF uye kushungurudzwa.

Muchirongwa chedu cheLive Talk Women’s Roundtable Table nhasi, tiri kuzeya nezveongororo yakaitwa nesangano reAfricabarometer ichishanda nesangano reMass Public Opinion Institute yekuti madzimai akawanda ari kuda kuti hurumende igadzirise dambudzo rekushungurudzwa kwavo nechimbichimbi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose