ZINARA Inokwidza Zvakare Mari dzemaToll Gate muMadhora eMunyika, Kepiri muMwedzi Uno

  • Jonga Kandemiiri

Toll gate yeZimbabwe National Roads Authority (ZINARA) ZINARA website)

Zimbabwe National Roads Authority (ZINARA) yazivisa kuti mari dzinobhadharwa pama toll gate mumadhora emunyika dzichakwidzwa zvakare neMvhuro unoya, kepiri mumwedzi uno.

ZINARA yakakwidza zvakare mutero uyu musi wa 03 mwedzi uno.

Mugwaro rayaburitswa, ZINARA yati pamitero mitsva iyi motokari diki dzinenge dzave kutarisirwa kubhadhara chiuru nezana remadhora emunyika kubva mapadhora mazana masere, makombi achitarisirwa kubhadhara chiuru nemzana matanhatu ane makumi mashanu kubva pachiuru nemazana maviri nemakumi mapfumbamwe meadhora emunyika.

Mabhazi anotakura veruzhinji anenge obhadhara madhora emunyika zviuru zviviri nemazana maviri, marhorhi achibhadhara zviuru zviviri nemazana manomwe ane makumi mashanu emadhora.

Magonyeti anenge obhadhara madhora zviuru zvishanu nemazana mashanu emadhora emunyika.

Miripo yemadhora ekuAmerica inonzi haisi kuchinja.

Mutauriri wesangano rinomirira vanofamba nemabhazi nemichovha, VrePassenger Association of Zimbabwe, VaTafadzwa Goliati, vanoti kukwidzwa kwemitero uku kuchaomesera veruzhinji, vanove vanofamba nemabhazi nedzimotokari sezvo vari kutambiriswa mihoro yavo iri mumadhora emunyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaGeorge Goliati