Kushungurudzwa kweVabva Kure Kwoenderera Mberi muSouth Africa

Mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa

Zvimwe zvizvarwa zveSouth Africa zviri kuenderera mberi zvichityidzira zvizvarwa zveZimbabwe nezvekune dzimwe nyika muzvipatara nemumisha inogara vazhinji.

Izvi zviri kuitika kunyangwe hazvo mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, neChipiri vakashora zvikuru vamwe vanhu vemuSouth Africa vari kuratidzira pane zvimwe zvipatara, vachidzivirira kuti vabvakure varapiwe.

VaRamaphosa vakaudza dare reparamende kuti maitiro aya anokonzera kuvengwa nekurwiswa kwevabvakure uye haasi pamutemo.

Vakati South Africa inyika ine hutongo hwejekerere asi ine dambudziko revabvakure vane magwaro ekugara munyika iyi nevasina, vachiti kuvhundutsira nekushungurudza vabvakure vose hakubvumidzwi nemutemo wenyika. .

Chikwta chinonzi Operation Dudula chiri kuratidzira pachipatara che Kalafong, muguta reAtteridgerville riri pedyo neguta re Pretoria, chichirambidza kupinda muchipatara kwevarwere vasiri zvizvarwa zvenyika iyi.

Asi VaRamaphosa vakati mapurisa ari kurwisa kupedza nekumisa vabvakure vari muSouth Africa zvisiri pamutemo, vachiti zviri kuitwa nevanhu veOperation Dudula hazvienderani nezvinangwa zvehutongo hwe jekerere, vachiti vanhu vemuSouth Africa havavengi vabvakure uye vanovatambira zvakanaka.

Vanodzidzisa zvematongerwo enyika paWellesley College kuMassachusetts, Muzvinafundo Chipo Dendere, vanoti VaRamaphosa vakamanikidzwa kutaura izvi zvichitevera mabasa esangano reOperation Dudula.

Muzvinafundo Dendere vanoti nyaya iyi inogona kupedzwa nenhaurirano pakati pehurumende yeSouth Africa nehurumende yeZimbabwe, pamwe nemapato anopikisa nevamwe vane chekuita nezve magariro evanhu mu Zimbabwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Chipo Dendere.mp3