Kanzuru yeChitungwisa Inozivisa nezveDenda reGwirikwiti muDhorobha Iri. 

Nhomba yekudzivirira gwirikwiti

Kanzuru yeChitungwisa yazivisa nezvedenda regwirikwiti munzvimbo iyi.

Vachitaura neStudio 7, mutauriri wekanzuru iyi VaLovemore Meya vati vabata chirwere ichi munzvimbo yavo.

VaMeya vati pari zvino vanhu gumi nevaviri ndivo vawanikwa vaine denda iri uyewo vachiri kuongorora vamwe vari kufungidzirwa kuti vangangova nehutachiwana hwegwirikwiti uhwu.

VaMeya vati sekanzuru vari kukurudzira veruzhinji vane vana vadiki kuti vabaiwe nhomba muchirongwa chehurumende chekubaya nhomba senzira yekudzivirira chirwere ichi.

Nyanzvi mune zvehutano uye vakambove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, Doctor Henry Madzorera vaudza Studio 7 kuti nekuvhurwa kwezvikoro svondo rinouya pave nenjodzi huru yekuti chirwere ichi chinogona kupararira nekukasika.

Doctor Madzorera vatiwo havaoni zvakanaka kurega kuvhura zvikoro vachiti chakakosha ndechekuti vana vadiki kusvika pamakore mashanu vabaiwe nhomba.

Hurumende nezuro yakazivisa kuti vanhu mazana matanhatu nemakumi mana nevasere, 648, vafa nechirwere ichi munyika yose.

Zvinonzi nyika yese chirwere ichi chabatawo vanhu zviuru zvishanu nemazana masere nemakumi mana nevatatu, kana kuti 5 843. Hurumende yakatotanga chirongwa chekubaya vana nhomba kusanganisira vaive vagara vakabaiwa kare.