Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vadzinga basa mutongi wedare repamusoro reHigh Court, Justice Edith Mushore, mushure mekunge vawanikwa nekomiti yakaumbwa nemutungamiri wenyika kuti itarisise nezvekushaikwa kwavo pabasa vasina kupa zvikonzero yasvitsa zvayakawana kumutungamiri wenyika.
Justice Mushore vakapedzesera kuenda kubasa muna Chikumi gore rapfuura.
Munyaya dzanga dziri mumatare edzimhosva, dare ramajistiriti rarasa chikumbiro chenhengo dzeparamende dzeCitizens Coalition for Change, VaJob Sikhala naVaGodfrey Sithole, chekuti vachuchusi panyaya yavo yekuNyatsime vasungwe nemhosva yekuzvidza dare.
Izvi zvinotevera kusavapa kwavo magwaro ekuti vagadzirire kuzvidzivirira panyaya yavari kupomerwa, kana kuti state papers, musi wa18 Nyamavhuvhu sezvainge zvatarwa nedare.
Mutongi wedare, VaTaurai Manuwere, varasa chikumbiro chaVaSikhala NaVaSithole vachiti vachuchisi panyaya iyi, VaMichael Reza naVaLancekot Mutsokoti, havana kuzvidza dare vachiti mutemo unovapa mukana wekupa vaviri ava magwaro avari kuda kubva musi wakatarwa zuva richatongwa nyaya yavo kusvika pasara mazuva maviri kuti nyaya iyi itongwe.
VaManuwere vati mutongo wakapihwa nemumwe mutongi wedare, Amai Chakanyuka wekuti vachuchusi vaifanira kunge vapaVaSikhala naVaSithole magwaro enyaya yavo musi wa18 Nyamuvhuvhu wainge usina kutyorwa vachiti pachine nguva kuti nyaya yavo itange kutongwa musi 15 Mbudzi gore rino.
Rimwe remagweta aVa Sikhala, VaFreddy Masarirevhu, vanoti havana kufadzwa nemutongo wanhasi uyu.
Rimwewo gweta ravo VaJeremiah Bamu, vati zviri pachena kuti vachuchusi havana humbowo panyaya iyi ndosaka vari kutadza kuvapa magwaro. Vati zviri pachena kuti izvi zviri kuitirwa kushungurudza VaSikhala naVaSithole.
Zvichakadai VaBamu vakumbira dare kuti rigadzire mutongo waAmai Chakanyuka kuti utare zuva chairo nenguva yekuti vachuchusi ava vavape magwaro kuti vakwanise kugadzirira kutongwa kwenyaya yaVaSikhala naVaSithole.
Vaviri ava vari kupomerwa mhosva yekukonzeresa mhirizhonga kuNyatsime zvichitevera kupambwa nekupondwa kwenhengo yebato ravo, Muzvare Morebleessing Ali munaChivabvu.
Mune imwewo nyaya, dare harina kuzopa mutongo panyaya yedzimwe nhengo dzeCCC dzinoti Muzvare Joanna Mamombe, vanove mumiriri weHarare West muparamende, naMuzvare Cecilia Chimbiri, sezvo mutongi panyaya iyi Amai Faith Mushure vatadza kuuya kudare.
Mutongo uyu wave kuzopihwa nemusi weMuvhuro svondo rinouya. Vaviri ava vari kupomera mhosva yekutaura manyepo kuti vainge vapambwa vakatochwa nevanhu vanofungidzirwa kuti vasori muna2020.
Gweta revaviri ava, VaAlec Muchadema, vati vange vachida kuti mutongo uyu upihwe nemusi weChina asi vazobvumirana nevachuchusi kuti upihwe neMuvhuro.
Your browser doesn’t support HTML5