Masangano ose anomirira vashandi vehurumende nhasi apa hurumende mazuva manomwe kuti izadzikise chivimbiso chayo chekuwedzera vashandi mari mwedzi uno achiti kana hurumende ikasaita izvi vacharamwa mabasa kutanga musi wa 26 Gunyana.
Vachitaura mushure memusangano waitwa nemasangano aya kusanganisira anomirira varairidzi, vashandi vezvehutano nevamwe vashandi vehurumende, sachigaro vesangano reZimbabwe Conferderation of Public Sector Trade Unions, Amai Cecelia Alexander, vati vatora danho iri mushure mekunge mihoro yemwedzi uno yauya isina kuwedzerwa sezvainge zvataurwa negurukota rezvemari, VaMthuli Ncube.
Vati vati vanyorera VaNcube tsamba vachivazivisa nechisungo chabuda mumusangano wavo nhasi.
Sachigaro verimwe remasangano apinda mumusangano wanhasi, reFederation of Zimbabwe Educators Union, VaObert Masarure, vatsinhira izvi vachiti hurumende ichine nguva yekuzadzikisa chivimbiso chayo sezvo mwedzi usati wapera.
VaMasaraure vati chavari kuchemera chete mihoro inogutsa kuitira kuti vakwanise kurarama zvakanaka nemhuri dzavo.
VaNcube vanonzi vakavimbisa pamusangano wavakaita nevashandi kutanga kwaNyamavhuvhu kuti hurumende yaizowedzera mari dzinotambirwa nevashandi vayo.
Amai Alexander vatiwo chinorwadzwa ndechekuti hapana nhaurirano dziri kuitwa pakati pevashandi nehurumende kubva muna Nyamavhuvhu.
Masangano anomirira vashandi vehurumende anoda kuti mushandi wepasi atambire mazana mashanu nemakumi mana emadhora ekuAmerica pamwedzi (US$540) asi hurumende inoti haina mari yekuita izvi.
Iyi ndiyo mari yaitambirwa nemushandi wehurumende muna Gumiguru 2018 apo vakatotanga kutambira mari yemuno.
Hatina kukwanisa kutaura naVaNcube sezvo vange vari mumusangano.
Hatinawo kukwanisa kutaura negurukota rezvevashandi nemabasa nekugara zvakanaka kwevanhu, Muzvinafundo Paul Mavhima sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.
Your browser doesn’t support HTML5