"Imbomirai Kukanda Mapadza Pasi" VaMavima Voudza Vashandi veHurumende

Muzvianfundo Paul Mavima

Gurukota rinoona nezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima vanoti bazi rezvemari riri kuenderera mberi nekuita tsvakurudzo yaro panyaya yekuti vashandi vowedzerwa mari nekudaro hapana chikonzero chekuti vashandi vehurumende vakande mapadza pasi.

Gurukota rinoona nezvemari Muzvinafundo mthuli Ncube vakavimbisa kuwedzera mari muna Gunyana asi vashandi ava vari kuudza Studio 7 kuti vanenge vakangogarira guyo sembwa sezvo pasina chiri kubuda.

Vamwe vashandi vanoti vacharamwa mabasa kutanga svondo rinouya.

Masangano makuru anomiririra vashandi vehurumende anoti reZimbabwe Conferderation of Public Sector Trade Unions nereZimbabwe Educators Union anoti atora danho rekuramwa mabasa nekuti hurumende haisi kuzadzikisa zvayakavimbisa mwedzi wapera.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPaul Mavima