Varimi Zviuru Zvitatu neZvinomwe (37,000) Vorambidzwa Kurima Fodya neNyaya yeKutengesa paMukoto

Kambani yehurumende inoona nezvekurimwa kwefodya, yeTobacco Industries Marketing Board (TIMB) yambomisa varimi vanodarika zviuru makumi matatu nezvinomwe (37 000) kurima fodya ichiti vakatengesa fodya yavo pamukoto.

Asi masangano anomirira varimi ava anoti handivese vakatyora mutemo ichiti panofanira kuitwa ongororo uye vasina mhosva vobvimidzwa kuramba vachirima fodya.

Vachizivisa pamusoro pegadziriro yekurimwa kurimwa nekutengeswa kwefodya kwemwaka wa2022/2023, mutauriri weTIMB, Amai Chelesani Tsarwe vati dambudziko rekutengeswa kwefodya pamukoto kana kuti Side Marketing pachirungu range rakanyanya izvo zvakazoita kuti vamise varimi vakawanda.

Asi mukuru werimwe sangano rinomirira varimi vefodya reZimbabwe Tobacco Association (ZTA) VaGeorge Seremwe vanoti vamwe varimi vakangozorwa mafuta enguruve yavasina kudya.

VaSeremwe vanoti paita huwori pakurimwa nekutengeswa kwefodya zvekuti marezenisi kana magwaro ekurima nekutengesa fodya evamwe varimi ari kushandiswa nematsotsi kana mamwe makambani ivo varimi vasingazive izvo zvinozoita kuti vaonekwe sevakaita chitsotsi kana kutengesa fodya yavo pamukoto.

Mukuru werimwe sangano rinomirira varimi, reZimbabwe Farmers Union, VaPaul Zakaria vati havazive humbowo hune TIMB pamusoro pevarimi ava asi vati inyaya inofanira kuongororwa.

Asi vabvuma kuti pane vamwe varimi vakatengesa fodya pamukoto vachiti izvi zvakaonzerwa nezvinhu zvakawanda.

Amai Tsarwe vatiwo TIMB yakambomisawo mamwe makambani kutenga fodya nekuda kwezvikonzeero zvakasiyana siyana.

TIMB inoti inofungidzira kuti varimi vanodarika zviuru makumi matatu nezvitatu vayakamisa kurima fodya mwaka uno, vakarima fodya mwaka wadarika vakaitengesa pamukoto.

TIMB inotiwo mwaka uno ichashanda nebazi rezvekurima kumisa nyaya dzekutengeswa kwefodya pamuoto.

Mamwe masangano anomirira varimi anoshushikanawo kuti hapana rutsigiro kubva kumabhanga nehurumende kuvarimi vefodya izvo zvinosiya varimi vachibatirirwa nevakazvimirira voga vanovapa zvekurimisa kana kuti macontractors.

Zvichakadai varimi zviuru zana nezvitanhatu nemakumi matanhatu nevanomwe (106067) ndivo vakanyoresa kuti varime fodya gore rino uye mahekita zviuru zvina anoita zvekudiridzwa akatodyarwa.

Mwaka wa2021/2021 fodya yakakohwewa yakaunza munyika mari yekunze inodarika mazana matanhatu emamiriyoni emadhora ekuAmerica, US600 million uye mari iyi inogona kuwedzera sezvo vanokweretesa varimi mari kana kuti macontractors vachiri kutenga fodya.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Nunurai Jena