Muimbi Thomas Mapfumo Otadza Kunoradzika Munin'ina Wake Kumusha Sezvo Achityira Hupenyu Hwake

Thomas Mapfumo

Muimbi ane mukurumbira munyika Thomas Mapfumo anoti haasi kuzoenda kuZimbabwe kunoradzika munin’ina wake Lancelot nekuti anotyira hupenyu hwake, sezvo achityira kusungwa kana kuitwa kafiramberi nevamwe muhurumende vasingafare nenziyo dzaanoimba nezvaanotaura.

Mapfumo anoti nyaya yake yekurwira kuti nyika ive nehutongo hwjekere ndiyo yaita kuti aonekwe semhandu nevamwe muhurumende pamwe nebato riri kutonga reZanu PF.

Studio 7 haina kukwanisa kubata gurukota rezvekudzivirirwa kwemukati menyika VaKazembe Kazembe kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Lancelot akashaya mwedzi wapera ave nemakore makumi matanhatu nemasere mushure mekurwa kwenguva ndefu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naThomas Mapfumo