Gwaro raburitswa ne Zimbabwe National Statistics Agency, Zimstat, zvichibva mukuverengwa kana kuti census inoitwa kamwe chete mumakore gumi inoratidza kuti vanasikana vakawanda vakaroodzwa vasati vabvazera.
Vanhu vakapedzisira kuverengwa muna Kubvumbi wegore rino.
Vachitura ongororo yavo, mukuru weZimstats VaTaguma Mahonde vati madzimai anosvika zviuru zana zvine makumi matatu nezvitatu nemazana mana nemakumi mashanu nevashanu 133.455 vari pakati pemakore makumi maviri nemakumi maviri nemana zvikuru vekumaruwa vakaroorwa vasati vasvika makore gumi nemasere.
VaMahonde vatiwo chikamu chimwechete kubva muzana chemadzimai anemakore aya vakaroorwawo vasati vasvika makore gumi nemashanu.
Ongororo iyi inoratidza kuti dambudziko rekuroorwa kwevana vasati vabvazera rakanyanyay kuMashonaland Central uchitevera Mashonaland West
Vachitaurawo pamusangano uyu, Amai Gulnara Kadyrkulovaveku vanoshanda ne United Nations Population Fund (UNFPA) vatiwo nyaya yekuroorwa kwevana vadiki inoshungurudza.
Vatiwo zvakabuditswa izvi zvinobudawo mune mamwe magwaro akadai seHealth Demographic Survey nemamwewo. Imwe ongororo yakamboitwa neZimstat muna 2019 yakaratidzawo kuti vana vaodarika zvikamu makumi matatu nematatu kubva muzana kana kuti 33,7% vanorootrwa vasati vasvika makore gumi nemasere.
Nyanzvi dzinoti kuroorwa kwevanasikana vasati vabvazer kunogona kupinza hutano hwavo munjodzi sezvo vamwe vachifa vachisungunuka uye vakanda vachisiira chikoro panzira zvinopa kuti vazogare muhurombo.
VaLincoln Charimari vanoshanda neWorld Health Organization vati kuti Zimbabwe ipedze dambudziko iri inofanirwa kushanda kuzadzisa zviga zvese zvebudiriro, kana kuti Sustainable Development Goals.
Gwaro reZimStat iri rinoratidzawo kuti madzimai ekumaruwa anozvarawo vana vakawanda zvichienzaniswa nevari mumadhorobha.
ZimStats inotiwo ongororo yavo yakaratidzawo kuti vanhu vazhinji munyika vanosungunuka mwana wekutanga vaine makore makumi maviri zvichienzaniswa nezvakawanikwa muna 2012 apo vazhinji vaibatsirwa vaine makore makumi maviri nerimwe.
Ongororo iyi inoratidzawo kuti vanhu vanonyanyotoresa vana magwaro ekuzvarwa mumadhorobha zvichienzaniswa nekumamisha huye dunhu reMasvingo riri iro riripamusoro pamatunhu ese mukotoresa vana magwaro ekuzvarwa.
Gwaro raburitswa neZimStat iri nderechipfumbamwe pamagwaro masere ari kutarisirwa kubuditswa nesangano iri pachitariswa zvakabuda mukuverengwa kwevanhu.
Your browser doesn’t support HTML5