Vanhu Vanodarika Zana Vofa kuFlorida neKuda kweHurrican Ian

Hurricane Ian aftermath in Florida

Vanhu vanodarika zana vafa kusvika vamwe vanodarika chiuru nemazaa mashanu vachinunurwa muFlorida mushure mekunge kwaita mafashamu emvura uye dutumupengo remhepo kana kuti Hurricane Ian.

Dzimba dzinodarika zviuru mazana mashanu nemabhizimisi kana kuti 500, 000 hadzina magetsi kwapera vhiki rimwe chete kubva dunhu iri zvaravhiringidzwa nenedambudziko remafashamu emvura nedutumupego remhepo kana kuti Hurricane Ian.