Vagari vemumusha weGlen View nhasi vasvitsa gwaro renyuto kuna meya weguta weHarare, VaJacob Mafume, vachigunun’una mushure mekunge mumwe mudzimai anogara mumusha uyu, Amai Estina Swaba, vazvarira muchimbudzi chekirinika yekanzuru Glen View Polyclinic, mushure mekunge vakoti vepakirinika iyi varamba kuvabatsira vachiti vaifanira kuenda kuchipata cheSally Mugabe.
Izvi zvakatika nemusi weChipiri svondo rapfuura izvo zvakatsamwisa vagari vemumusha uyu.
Murume waAmai Swaba, VaBlessing Chaodzemoyo vaudza Studio 7 kuti havasi kufara nezvakaitika.
Mumwe mugari wemusha uyu zvakare vari nhengo weCombined Harare Residents Association, Amai Joylin Nyachuru, vati zvinosuwisa kuti vanhu vari kubatwa neseri kweruwoko muzvipatara zvekanzuru.
Mugwaro rakasainwa nevagari vanodarika zchiuru nemazana matanhatu, vagari ava yave nguva yakareba madzimai akazvitakura achishungurudzwa paGlen View Polyclinic
Zvinonzi vakoti vakati vainge vasingakwanise kuvabatsira nekuti vaida kuzvara mwana mwana weChishanu vachiti kirinika iyi inobatsira vanhu vanozvara mwana wekutanga kusvika pane wechina chete.
Izvi zvatsinhirwa nemukuru wevakoti mumakirinika nezvipatara zvekanzuru, Matron Amai Perpetua Kaseke.
Meya weHarare VaJacob Mafume vatambira gwaro iri vakati vachaongorora kuti zvakafamba sei uyewo vati vachaona kuti makoti vese vapihwa zvikwangwani zvine mazita avo kuti zvikwanise kuzivikanwa kuti ndiana anenge atadza kuita basa.
Vatiwo vachabhadhara mari dzese dziri kudiwa muSally Mugabe kudzamara Amai Swaba nemwana wavo vadzokera kumba.
VaMafume vati vano zviziva kuti pamabasa pane vamwe vasingaiite basa ravo nemazvo asi vakati chakakosha ndechekuti kanzuru yatambira zvakaitika uye yave kubatsira mhuri.
Vatiwo kanzuru yavo ine dambudziko rekushomeka kwevakoti mumakirinika nezvipatara zvayo zvese uyewo vati vakurudzira hurumende kuti ibatsire kanzuru nemari kuti ikwanise kupa vagary hutano hwakanaka.
Vagari vakawanda muHarare havasi kufara nebazi rekanzuru rehutano uye madzimai akawanda aka zvitakuura anozvarira panze pemakirinika kana zvipatara mushure mekurambidzwa kupinda muzvipatara izvi zvikuru sei kana huri husiku.
Paramende iri kuongorora nyaya iyi uye inotarisira kuburitsa zvakayakwana mutsvakurudzo yayo kunguva ipi zvayo.
Your browser doesn’t support HTML5