Vashandi veZBC Vorambidzwa Kutaura naVaMnangagwa NezveMari Dzvavanotambiriswa.

Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko VaKindness Paradza vanoti vashandi veZBC vakati vanoda kuona mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti vataure nezvenyaya yemihoro yavo, vakakurumidza kumedza kutsenga vachada.

Vaparadza vaudza Studio 7 kuti vashandi vaifanira kutanga vataura nebazi ravo uye bhodhi rezbc kwete kunyora tsamba yenyunyuto kumutungamiri wenyika. Asi vashandi vanoti vave nenguva yakareba vachiyedza kutaura nebazi iri nebhodhi asi pasina chiri kubuda.

Mutsamba yakanyorwa musi wa 6 Gumiguru, vamiriri vevashandi vakati havachakwanise kuenda kubasa uye vave kuda kuti vamnangagwa mbune vapindire. Vakapa tsamba iyi kumunyori mukuru mubazi iri vanick Mangwana.

Vashandi vanonzi vari kupihwa mari iri pasi peyakatarwa neNational Employment Council.

Vanonzi havasi kupihwa mari dzekubatsirikana dzeCovid-19, mari dzemudyandigere hadzisi kubhadharwa uye havana zvekushandisa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaKindness Paradza