Mutori weNhau Abigail Gamanya Ochemwa seGamba Mukuburitswa kweMashoko

Mutori wenhau Abigail Gamanya

Mutori wenhau Abigail Rumbidzai Gamanya aitungamira sangano reGender Media Connect Zimbabwe akashaya nezuro ari kuchemwa nevanhu vakawanda munyika ave kutarisirwa kuradzikwa nemusi weChina.


Amai VaMuzvare Gamanya, Amai Otilia Dhlamini kana kuti Mai Kalisto Bvunzawabaya vaudza Studio 7 kuti mwana wavo akarwara kwenguva pfupi vachitiwo mhuri yavo pamwe nenyika yarasikirwa zvakanyanya. Vatiwo mwanasikana wavo ange ari munhu aibatanidza vanhu mumhuri pamwe nemabasa aaishanda.

Amai Otilia Dhlamini

Amai Dhlamini vatiwo varikutarisira kuradzika mwana wavo neChina muno muHarare.

Vamwe vakashanda naMuzvare Gamanya munyaya dzezvenhau, Amai Molly Chimhanda vati nyika yarasikirwa zvikuru negamba rairwira kuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi

Molly Chimhanda

Izvi zvatsinhirwa naVaMahara Goteka nyanzvi mune zvetsvakurudzo (Researcher) vatiwo mufi ainge aine chido chekuona kuti madzimai asimudzirwa vachiti asiya gwanza guru.

Amai Mary Chiunda shamwari ya Muzvare Gamanya vaudzawo Studio 7 kuti mufi anga ari chipangamazano.

Vatori venhau vazhinji varatidza kurwadziwa kukuru pamadandemutande akasiyana siyana vachichema Muzvare Gamanya pamwe nekurumbidza mabasa akanaka aarikunzi aiita.

Muzvare Gamanya vakamboshandawo kusangano reMedia Institute of Southern Africa Zimbabwe pamwe nekuhofisi yevaimbove mutungamiri wehurumende mushakabvu Morgan Tsvangirai. Mufi akashanda kubatsira masangano enhau kuti agadzire mitemo yekuyenzanisa mikana pakati pemadzimai nevanhurume kana kuti ma”Gender Policy” izvo zvarumbidzwa nevazhinji. Muzvare Gamanya vasiya mwana mumwe chete, Ruvarashe.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Rutendo Mawere