ZESN Yokurudzira Runyararo Pamberi peSarudzo dza2023

Ellen Dingani - ZESN

Sangano rakazvimirira roga richioona nezvesarudzo reZimbabwe Election Support Network (ZESN) riri kukurudzira vatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika nevatsigiri vavo kuti vasaite zvemhirizhonga pamberi pesarudzo dza2023 sezvo zvichidzosera kumashure hutongo hwejekerere.

Izvi zvinotevera mhirizhonga iri kuitika kuMatobo neInsiza pamberi pesarudzo dzema by-elections ekutsvaga makanzura. Sangano iri riri kukurudzira vezvematongerwo enyika kuti vaumbe hwaro hwekugadzirisa nyaya dzemhirizhonga Vatsigiri vebato reCCC usanganisira nhengo dzedare reparamende vanoti vakarwiiswa nevatsigiri veZanu-PF. Asi Zanu-PF iri kuramba izvi. Mapurisa anoti akatambira mashoko kubva kumapato ose achichema chema nenyaya yemhirizhonga.

ZESN yakurudzirawo komisheni inoona nezverunyararo yeNational Peace and Reconciliation kuti iferefete nyaya idzi uye vanenge vachikonzera mhirizhonga vosungwa.

Gwaro reZESN riri kukurudzira runyararo nekucherechedzwa kwemitemo inobata sarudzo munyika.

Vafanobata chigaro chemukuru weZESN Muzvare Ellen Kandororo Dingane vanoti vanhu vane kodzero yekutsigira bato ravanoda vakasungunuka.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Ellen Dingani