Dare repamusoro reHigh Court rinoti gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi nemuchuchisi mukuru wehurumende, VaPrince Machaya vakatyora bumbiro remitemo nekutadza kwavakaita kudzika mutemo unosungira vakuru-vakuru muhurumende kubuditsa pachena hupfumi hwavo.
Izvi zvinotevera chikumbiro chakasvitswa kudare nenhengo yeparamende inomirira Harare North, VaAllan Rusty Markham kuti bumbiro remutemo ritevedzerwe.
Mutongi wedare repamusoro, VaJacob Manzunzu, nezuro vakatura mutongo wekuti VaZiyambi naVaMachaya havana kudzika mutemo unosungira vakuru-vakuru muhurumende kuti vaburitse pachena hupfumi zvavakati zvinopesana nezvavanosungirwa kunge vakaIta zviri mubumbiro remitemo renyika.
Pasi pechikamu 198 (a) chebumbiro remitemo, paramende inofanira kudzika mutemo unoona kuti vakuru-vakuru muhurumende vaburitsa hupfumi hwavo pachena nguva nenguva nekutara zviga zvinofanira kuetevdzerwa nemakambani ehurumende pamwe nekurangwa kwevanenge vatyora mutemo uyu.
Nokudaro, VaManzunzu vakapa VaZiyambi naVaMachaya mwedzi mitatu yekuona kuti mutemo uyu wadzikwa.
VaMarkham vaudza Studio 7 kuti vari kufara zvikuru nemutongo uyu. VaManzunzu vakati zviri mubumbiro remitemo zvinofanira kuzadziswa uye hazvifanire kutora nguva kuzviita nekudaro vakakurudzira VaZiyambi naVaMachaya kuti vatore matanho ekuti mutemo unobata nyaya iyi wadzikwa.
Mumiririri weHighfield West muparamende uye vari nhengo yekomiti yePublic Accounts mudare iri, VaHappymore Chidziva, vati chinhu chakakosha zvikuru kuti mutemo uyu udzikwe vachiti izvi zvinobatsira zvikuru mukurwisana nehuori uhwo hunonzi hwatambarara serunyemba munyika.
Mukuru wesangano reTransparency International Zimbabwe, VaTafadzwa Chikumbu, vati zvakakosha kuti veruzhinji vazive kuti vatungamiri vavo vari kuwana sei mari dzavo kuti pasaite huori.
Vanokokera bato reZanu-PF mudare reparamende VaPupurai Togarepi vaudza Studio 7 kuti mutemo unofanira kutevedzerwa asi vakati zvakakosha kuti nekune vamwe vemabhizimisi zviitwe kuti vasaite huori.
VaMachaya vati titaure naVaZiyambi nezvenyaya iyi asi VaZiyambi vanga vasiri kudaira nharembozha yavo uye vanga vasati vapiundura mibvunzo yatavatumira kuti tinzwe kuti vachapikisa mutongo uyu here kana kuti kwete uye kuti matanho api avachatora.
Asi pakunzwikwa kwenyaya iyi, vaviri ava vakaudza dare kuti kudzikwa kwemutemo uyu hachisi chinhu chinofanirwa kuitwa naivo chete vachiti vedare reparamende nedare remakurukota ehurumende vanofanirawo kuunzwa kudare kuti vazvipindurire sezvo vane chekuita nekudzikwa kwemutemo uyu.
Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri wedare reparamende, VaJacob Mudenda, sezvo vari kuRwanda kwavari kupinda mumwe musangano vachimirira paramende.
Your browser doesn’t support HTML5