Vanhu vanodarika zvikamu makumi mana nemasere kubva muzana kana kuti 48% kwaChivi kuMasvingo vakatarisana nenzara inotyisa.
Izvi zvakabuda mugwaro rezimbabwe vulnerability assessment committee kana kuti ZIMVAC
Vachitaura kumucheto wemusangano nzara padhibha rekwaMuseve, Mudzviti wekwa Chivi, VaInnocent Mutingwini vati mugwaro rakabuditswa neZIMVAC, pavanhu vanodarika zviuru zana nemakumi manomwe nezviri, 172 000 vari mudunhu iri , vanhu vanopfuura zviuru makumi masere 80 000 vanoda chikafu nechimbi chimbi.
Vagari vazhinji vanoti havasisina chekudya mumatura avo sezvo vakasangana negoho shoma nenyaya yemvura yakarambira mudenga mwaka uno.
Mumwe mugari wekwaBhevhura kuward 4 kwaChivi, Amai Sarudzai Madamombe, vanoti havachina sadza mudzimba nekudaro vave kurarama nekudya muriwo chete.
Izvi zvatsinhirwa nemumwe mugari wekuward 1 Amai Theresa Mangwiro avo vati vave kurarama nemichereo yemusango.
Vagari ava vanoti vakasawana rubatsiro nekukurumidza vakawanda vanogona kurasikirwa nehupenyu uye vana vakawanda vanogona kusiira chikoro panzira.
Vachitaura pamusangano mumwe chete uyu, gurukota redunhu reMasvingo, VaEzra Chadzamira vati hurumende ichaitira vagari zvirongwa zvekurima nemadiridziro kuti varwise nzara.
VaChadzamira vakaparura chirongwa chehurumende chekupa vagari vekwaChivi mbudzi mazana mashanu nematani zana embeu yechibage senzira yekuti vadzivirire nzara.
Vati vamwe kunzvimbo dzakaita seGutu, Zaka , Bikita neChiredzi vanhu vachabatsirwawo nechikafu. Asi vati vachatanga kubatsira vekwaChivi nekuMwenezi nekuti ndiko kune nzara yakanyanya.
Sangano reUNICEF rinoti vanhu vanosvika mamirironi mana nezviuru mazana matatu, 4,3 million vanoda rubatsiro rwechikafu munyika yese. Pavanhu ava vana vadiki vanosvika mamirioni maviri nezviuru mazana maviri 2.2 million vanoda rubatsiro rwe chikafu munyika mose.