Muzinda weAmerica muZimbabwe kuburikidza neUnited State Agency for International Development (USAID) nhasi watsigira sangano reWorld Food Program (WFP) nemari inosvika mamiriyoni makumi matatu nematanhatu nemazana manomwe ezviuru zvemadhora ekuAmerica kana kuti US$36.7m, yekubatsira pachirongwa cheWFP chekupa vanhu vane nzara chikafu munyika.
Mushandi mukuru pamuzinda weAmerica muZimbabwe, Amai Elaine French, vazivisa izvi nhasi vachiti rubatsiro urwu runouya apo nyika dzakawanda pasi rose kusanganisira Zimbabwe dzakatarisana nedambudziko rekushaya chikafu, kudhura kwacho pamwe nekudhura kwemafuta ekubikisa zvowedzerwa nehondo pakati peRussia neUkraine.
Vati America yakazvipira kubatsira Zimbabwe kupedza dambudziko iri ndosaka vapa rubatsiro rwemari iyi kuti ishandiswe kutenga chikafu pasi pechirongwa chinonzi Lean Season Assistance Funding.
Amai French vati vanofara nemashandiro avonoita neWFP vachiti vave nehukama hwakasimba mukubatsira vanhu vemuZimbabwe nechikafu pamwe nekutsigira mabasa ekurima munyika.
Vati mari yavapa nhasi ichabatsira vanhu zviuru mazana manomwe (700 000) pamamiriyoni matatu nezviuru mazana masere, 3.8 millon vanoda rubatsiro rwechikafu munyika. Vamwe vacho mamiriyoni matatu nezana rezviuru kana kuti 3, 1 million vachabatsirwa nehurumende.
Vanhu vachapihwa chikafu pasi pechirongwa cheUSAID neWFP vari mumatunhu anoti Buhera, Hwedza, Mudzi, Bikita, Chivi, Nkayi, Mangwe neMt Darwin.
Pasi pechirongwa ichi munhu mumwe chete anopihwa chibage, mapfunde, nyemba pamwe nemafuta ekubikisa.
Amai French vati kunze kwerubatsiro rwavapa nhasi, hurumende yavo iri kutsigirawo WFP nemamwe masangano nemamiriyoni nezana nemakumi mapfumbamwe nematatu emadhora, US$193 million, ekuAmerica kuti itsigire mabasa ekurima munyika yese.
Vanoona nezvezvirongwa muWFP muZimbabwe, VaRoberto Borlini, vati vanofara nerutsigiro rwanhasi uye vacharamba vachishanda neUSAID kupedza nzara munyika.
Vatiwo kunze kwekubatsira vanhu nechikafu panguva yenzara, WFP neUSAID vanobatsirawo mabasa ekurima akaita sekuvaka madhamu kuti vanhu vaiite madiridziro pamwe nekuona kuti varime zvirimwa zvinoenderana nekushanduka kuri kuita mamiriro ekunze kuti vawane chikafu chakakwana.
Hurongwa hwekubatsira vanhu chikafu vakamirira kurima nekukohwa kana kuti Lean Season Funding inopihwa kubva munaGumiguru kusvika muna Kurume mwaka unotevera.
Hatina kukwanisa kunzwa pfungwa dzehurumende parubatsiro rwapihwa nhasi sezvo gurukota rezvemagariro evanhu Muzvinafundo Paul Mavima vange vasiri kudaira nharembozha yavo.
Asi munyori mubazi VaSimon Masanga vakaudza Studio 7 masvondo apfuura kuti vakaronga neWFP kuti vachabatsira vanhu vane nzara sei vakatsinhirawo kuti WFP ichabatsira vanhu mamatunhu matatu. Vakatiwo hurumende ine chibage chakawanda kubatsira vese vane nzara munyika.
Kubva pakutanga kwegore kusvika parizvino , USAID yapa rubatsirwo rwechikafu kuZimbabwe runodarika mamiriyoni makumi mana nemana, US$44 million, kozotiwo rubatsiro runodarika mazana matatu nemamiriyoni emadhora mukati memakore mashanu apfuura.
Nyaya Ina Godwin Mangudya