Makurukota ehurumende akawanda nhasi atadza kuuuya mumusangano wekuronga bhajeti ra2023 izvo zvatsamiswa nhengo dzeparamende idzo dzati vanofanira kurangwa. Mutauriri weNationaL Assembly, Advocate Jacob Mudenda, vati vachakwidza nyaya iyi kumutevedzeri wemutungamiriri wenyika, VaConstantine Chiwenga.
Pange paine makurukota mashanu chete patanga musangano uyu wemazuva mashanu uye mumiriri weNorton avo vakazvimirira, VaTemba Mliswa, vati hazvina zvazvinobatsira kuenderera mberi nemusangano kana makurukota ehurumende asingakoshesi kurongwa kwebhajeti.
VaMliswa vatsigirwa nemumiriri weHwange VaDaniel Molokele veCitizens Coalition for Change.
Senata Douglas Mwonzora, vanotungamira bato Movement for Democratic Change, varatidzawo kusafara vachitiwo kunyange makurukota aya achisungirwa kuzopindura mibvunzo kuNational Assembly neSeneti haauye. VaChiwenga vari kunzi vatarise nyaya yanhasi ndevamwe vasingaendewo kuparamende kunopindura mibvunzo segurukota rezvehutano.
Vati nyaya iyi yave kuda kuti mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa pachavo vaigaidzirise.
Nezuro chaiko VaChiwenga vakavimbisa muparamende kuona kuti makurukota ese ehurumende anoenda kuparamende kuno pindura mubvunzo nemusi weChitatu neChina chega chega.
Makurukota ange apinda mumusangano wanhasi ndiVaMthuli Ncube vezvemari, Amai Monica Mutsvangwa vezvekuburitswa kwemashoko, VaFelix Mhona vezvekutakurwa kwezvinhu, VaDaniel Gwarwe vezvedzimba pamwe naAmai Evelyn Ndhlovu vedzidzo yepasi.
Zvichakadi, VaNcube vaudza musangano wanhasi kuti vanotarisira kuti hupfumi hwenyika huchakura nezvikamu zvishanu kubva muzana gore rinouuya,
Asi vati izvi zvinogona kushanduka nekuda kwekusamira zvakanaka kwaita zvinhu pasi rese izvo zviri kukonzerwa nehondo yeRussia neUkraine.
Vatiwo hurumende inotarisira kuunganidza 1.7 trillion yemadhora emunyika asi ichitarisira kushandisa 1.9 trillion.
Zvichakadai, nhengo dzeparamende dzakawanda dzinoti bhajeti regore rinouuya rinofara kuona kuti vanhu vemuZimbabwe vawana chouviri kubva pazviwanikwa zvemuno kwete kungokoka makambani ekunze kuzosima mari muno vemuno vasina chavanowana.
Vamwe vanemuonero uyu ndiVaMliswa.
VaSupa Mandiwanzira veZanu-PF vatsigirawo Mliswa vachiti kunze kwekukoka makambani ekunze, hurumende inofanira kuisa parutivi mari yekutsigira zvizvarwa zvemuno kuti zvitangewo mabhizimisi.
Dzimwe nhengo dzeparamende dzatiwo bhajeti regore rinouuya rinofanira kuve nenhwaro hwekusimudzira mabhizimisi madiki pamwe nekucherwa nekutengeswa kwegoridhe.
Dzati goridhe rinowanika munzvimbo zhinji munyika uye mabhanga ese munyika anofanira kupihwa mvumo yekutenga goridhe iri achiriendesa kuReserve Bank of Zimbabwe.
VaNcube vati vachazeya zvataurwa nenhengo dzeparamende kuti vaone kuti vozvipinzwa mubhajeti ravo regore rinoouya here.
Your browser doesn’t support HTML5