VaMnangagwa Voramba Vachitungamira Zanu PF Mushure meKudomwa neKongiresi, Uye Vanodzora Vatevedzeri Vavo Vose Pamwe naSachigaro

Mutungamiri weZanu PF VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiriri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, avo vadomwa nekongiresi yebato ravo kuti varambe vari panyanga kwemamwe makore mashanu anotevera vadzora vatevedzeri vavo, VaConstantino Chiwenga naVaKembo Mohadi pamwe nasachigaro webato iri Amai Oppah Muchinguri Kashiri.

VaMnangagwa vadomawo nhengo dzePolitiburo shomanana vachiti vachadoma dzimwe nhengo dzePolitiburo kana vachinge vapedza kuvandudza (restructuring) mapazi edare iri izvo zvavati vari kuita pari zvino.

Vadomwa ndiVaObert Mpofu, VaMike Bimha, VaLovemore Matuke, naVaPatrick Chinamasa. Vese ava vadzorwa pazvinzvimbo zvavange vainazvo muPolitiburo yakare.

Amai Marble Chinomona vadomwawo kuti vamirire madzimai muPolitiburo, VaDouglas Mahiya vakadomwawo kuti vamirire vakarwa hondo muPolitiburo.

Amai Muchinguri Kashiri vatenda VaMnangagwa nekuvasarudza kuti varambe vari pazvigaro zvavo mumusangano.

VaMnangagwa vagadzawo nhengo itsva dzeCentral Committee dzakakunda musarudzo dzakaitwa masvondo maviri apfuura. Vadomawo dzimwe nhengo gumi dzeCentral Committee pamusoro pedzavagadza sezvinodiwa nebumbiro remutemo weZanu PF.

Vadomwa vanosanganisira, VaWilson Kumbula vakabva kuZanu Ndonga, VaPaul Mangwana pamwe naAmai Angeline Tongogara.

VaMnangagwa vadomawo dzimwe nhengo dzedare idzva rebato iri ravanasorojena, kana kuti Council of Elders. Dare iri rinofanira kunge riine vanhu gumi asi VaMnangagwa vambodoma vatatu chete vakati vachadoma vamwe munguva inotevera. Vatatu ava ndiVaJosiah Hungwe, Amai Angeline Masuku naAmbassdor Aaron Maboyi Ncube.

Mutungamiri weZanu PF vatendawo kudomwa kwavaitwa kuti varambe vachitungamiriri bato vakati vachaenderera mberi nekuvandudza bato pamwe nekusimudzira hupenyu hwevanhu munyika.

Vatiwo vatungamiriri vatsva vebato vanofanira kushanda zvakasimba kuti bato rikunde musarudzo.

Vati vakatotenga zvese zvinoda kushandiswa pasarudzo dzegore rinouya uye vachange vachiparura Manifesto yavo munguva pfupi inotevera.

Sachigaro weZanu PF kuUnited Kingdom, VaXavier Zavare, vaudza Studio 7 kuti kongiresi yapera zvakanaka uye vanofara kuti bato ravakuvacherechedzawo mubumbiro nezvirongwa zvaro.

Vaive mutauriri weZanu PF, VaChris Mutsvangwa vaudza Studio 7 kuti kongiresi yafamba zvakanaka chose vakaramba mashoko ange ave kutenderera pamadandemutande ekuti dunhu reMashonaland Central range rabuda mukongiresi nhasi senzira yekuratidza kunyunyuta kwaro nemafambiro aita musangano.

Mutevedzeri wemutauriri weCitizens Coalition for Change, VaGift Ostallos Siziba, vaudza Studio 7 kuti hutungamirri hwabuda kungogoresi yeZanu hunoratidza kuti CCC inokunda kana sarudzo dzikaitwa zvakajeka nekuti bato ravo rine vatungamiriri vechidiki.

Zvichakadai kongiresi yapera nhasi asi vanhu vachatandadzwa nhasi manheru pamutambo wemimanzi uchaitirwa kunhandare yeGlamis Arena. Mumwe nemumwe wevanhu vanodarika zviuru zvitatu nemazana mashanu vachapihwa 10 kgs dzembeu yechibage pamwe nerofu rechingwa, pavanenge vave kudzokera kumisha yavo neSvondo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya yeZanu PF ina Godwin Mangudya