VaHwende Voshanda eMapurisa, neVamwe Vagari Kuvhara Dzimba Dziri Kutengeserwa Zvinodhaka muKuwadzana

VaChalton Hwende - CCC

Mumiriri weKuwadzana East mudare reparamende reNational Assembly, VaCharlton Hwende, vebato reCitizens Coalition for Change vave kushanda nevabereki nemapurisa kurwisana nedambudziko rekushandiswa kwezvinodhaka iro rapfunya chisero munharaunda iyi.

VaHwende vanoti dambudziko rekuputa nekunwa zvinodhaka ratekeshera munharaunda yavo zvekuti vechidiki vakawanda vari kurasikirwa nehupenyu pamwe neremangwana ravo nekuda kwedambudziko iri.

Asi vati chinoshamisa ndechekuti zvinodhaka izvi zviri kutengeswa panzvimbo dzinozikanwa zvapa kuti vaite mushandurapamwe nemapurisa nevabereki.

VaHwende vaudza Studio 7 kuti pane dzimba nhanhatu nedzimwe nzvimbo dzinotengeswa zvinodhaka dzichavharwa muchirongwa vachavari kuita nemapurisa ichi.


Vanoti dambudziko iri ratekeshera kunyange muzvikoro chaimo, zvekuti svondo rapfuura vakasheedzwa apo vana vepane chimwe chikoro munharaunda mavo vainwa nekuputa zvinodhaka.

Vanotiwo vamwe vechidiki vari kuzviuraya mushure mekutsiurwa vashandisa zvinodhaka.

Gogo Regina Mukunda, avo vane muzukuru wavo, Milton akapona nepaburi retsono mushure mekurwara aputa mbanje nemutoriro, vaudza Studio 7 kuti vanhu vanotengesa zvinodhaka vanofanira kusungwa.


Milton audza Studio 7 kuti akafarira mutoriro paakaupihwa neshamwari dzake uye waimupa simba rakanyanya pane zvese zvaaiita. Asi anoti akazousiya paakarwara zvekuda kufa.

Mumwe mugari wemuKuwadzana ati anonzi Zuke audza Studio 7 kuti kunze kwekushandisa zvinodhaka, vamwe vechidiki vavewo kupara mhosva dzakaita sekuba nekuponda.


VaHwende vati kunze kwekuvhara nzvimbo dzinotengesa zvinodhaka , vari kuitawo mitambo yakasiyana siyana zvinoita kuti vechidiki vawane zvekuita vasafunge kushandisa zvinodhaka.

Izvi zviri kutsigirwa nevedzisvondo vakaita samufundisi Cleophas Bland vesvondo yeTAB Mjnistiries avo vati vave nezvirongwa zvakawanda nevechidiki.

Mutauriiriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi vaudza Studio7 kuti zvakakosha kuti vanhu munharaunda dzavo vashande nemapurisa kupedza dambudziko rezvinodhaka munyika.

Dambudziko rekushandiswa kwezvinodhaka ratekeshera nenyika yese uye hurumende yakatoumba dare remakurukota kubatsira kurwisa nyaya yezvinodhaka.

Zvinodhaka zvinonyanyoshandisws, iguka, dombo, mutoriro, kambwa nezvimwe uye zvimwe zvacho zviri kubva kunze kwenyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godwin Mangudya