Dare reHigh Court Rinonyima Zvakare VaSikhala naVaSithole Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso

Nhengo yeCCC vari zvakare mumiriri weZengeza West, VaJob Sikhala

Dare repamusoro reHigh Court, rinoti hapana zvashanduka kubvira pakanyimwa nhengo dzeCitizens’ Coalition for Change, VaJob Sikhala naVaGodfrey Sithole, mukana wekubvisa mari yechibatiso nedare ramejasitiriti nekudaro vanofanirwa kutongwa vachibva mutirongo.

Vaviri ava pamwe nedzimwe nhengo dzebato reCCC gumi neina vari muhusungwa mushure mekusungwa vachipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga kuNyatsime.

Vachitura mutongo wavo, mutongi Justice Rogers Manyangadze, vati dare range risiri kuongorora zvikonzero zvakaita kuti vaviri ava vanyimwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso, asi raongorora kuti pane zvashanduka here kubvira pavakanyimwa mukana wekuita izvi muna Chikunguru gore rino.

Vati semaonero avo hapana zvakashanduka zvingaite kuti vaviri ava vapihwe mukana nekudaro mutongo wamejasitiriti wekunyima vaviri ava mukana uyu ucharamba uripo zvichaita kuti vatongwe vachibva mutirongo sekutongwa kwazvakaitwa nedare ramajisitiriti muna Chikunguru.

Gweta revaviri ava, VaJeremiah Bamu veZimbabwe Lawyers for Human Rights, vaudza Studio 7 kuti izvi zvinoreva kuti vaviri ava havakwanisi kubhadhara mari yechibatiso.

VaBamu vati vanoshushikana zvikuru nemutongo wedare uye vachagara pasi naVaSikhala navaSithole kuti vaone kuti vofambira mberi sei nenyaya iyi.

Vati hapana zvimwe zvavanokwanisa kuita panyaya iyi kunze kwekuona kuti matare atevedza mutemo.

VaSikhala naVaSithole vange vaenda kudare iri nechikumbiro chekuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso nezvikonzero zvekuti nguva yareba kubva pavakanyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Vari kutiwo nyaya yavari kupomerwa yapera simba sezvo pasina vafakazi vakaunzwa kudare nevachuchusi, uyewo pamwe nekuti kuramba kwavo vari muhusungwa kunoita kuti veruzhinji vashaye chivimbo nematare edzimhosva.

Izvi zvarambwa naJustice Manyangadze avo vati hapana kurasikirwa nenguva sezvo vachuchisi vakazivisa dare kuti mapurisa akatopedza kufereta nyaya iyi uye akatopa VaSikhala naVaSithole zuva ravachatongwa.

Vatiwo vatongi vanotonga nyaya dzavo pachena pasina divi ravakarerekera, kutyityidzirwa kana kuvhunduka kuti veruzhinji vanoti chii?

Mutongo wanhasi hauna kuvafadza vatsigira veCCC vakaita saVaJay Moyo, avo vati zviri pachena kuti vaviri ava vari kudzvinyirirwa.

Rimwe gweta remuHarare, VaPanganayi Charumbira, vaudza Studio 7 kuti pane vamwe vakapara mhosva hombe kudarika iri kupomerwa VaSikhala naVaSithole asi vakapihwa mukana wekubvisa mari chibatiso uye zviri kuitika kuvaviri ava zvinoratidza kuti pane kupindira kwehurumende.

Izvi zvatsigirwawo nerimwe gweta VaWilbert Mandinde, avo vanoshanda nesangano rreZimbabwe Human Rights NGO Forum, avo vaudza Studio 7 kuti vari kushungurudzika zvikuru nezviri kuitika kuti naVaSikhala naVaSithole.

Mumwe akafanobata chinzvimbo chemutevedzeri wemutauriri webato reCCC, VaFelix Mafa, vashorawo mutongo uyu, vachitivematare vanotya kuburitsa .

Asi mukuru muboka rezvezvekufambiswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi vanoti bato ravo haripindiri munyaya munyaya dziri mumatare edzimhosva.

Hatina kukwanisa kunzwa divi regurukota rezvemutemo, VaZiyambi Ziyambi, panyaya iyi sezvo nharembozha yavo yange isiri kubatika.

Asi VaZiyambi vakambouudza Studio 7 kuti hurumende yavo haipindiri munyaya dziri mumatare zvisineyi kuti ndayaVaSikhala here kana kuti kwete.

Mhuri, shamwari nenhengo dzebato revaviri ava dzange dzisiri mudare sezvo nyaya iyi yanzwikwa padandemutande ivo VaSikhala naVaSithole vari kujeri reChikurubi.

Vaviri ava vakasungwa muna Chikumi vachipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga zvichitevera kupambwa nekupondwa kwenhengo yeCCC, Moreblessing Ali mumusha weNyatsime kuChitungwiza muna Chikumi.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Godwin Mangudya