Vanofungidzirwa kuti vatsigiri nedzimwe nhengo dzebato riri kutonga reZanu-PF vari kupomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga nekuba zvekuzvishambadzira kana kuti mabanner ebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change paMedia Centre muHarare nhasi. Bato reTripple C rinoti kunyangwe mapurisa ange aripo angoregedza vatsigiri veZanu-PF vachiita havo madiro aJoina.
Bato reTripple C rinoti vatsigiri veZanu-PF vatora zvekushambadzira bato ravo kana kuti mabanner zvazoita kuti vaenderere mberi nekuita musangano nevatori venhau vachitaura nezvemamiriro akaiita zvinhu munyika pamberi pesarudzo vasina zvekushambadzira bato ravo. ‘
Asi nekuda kwekuti vatsigiri veZanu-PF vange vari pamukova nedzimwe zvimbo dzakapoteredza mahofisi eMedia Centre, vakuru vebato reTripple C vazoita msangano uyu vakavhara magonhi. Papera musangano uyu, vatungamiri ava kusanganisira vakafanobata chigaro chemutauriri webato iri Muzvare Fadzayi Mahere nevamwe vatori venhau vazomanikidzwa kubuda nemumwe mukova wekuseri vachityira kuitwa kafiramberi.
Muzvare Mahere vatenda kuti vabirwa zvekushambadzira bato ravo vakati mhirizhonga iyi inokanganisa kuitwa kwesarudzo gore rinoouya.
Izvi zvatsigirwawo nevakafanobata chigaro chemunyori anoona nezvesarudzo mubato iri VaIan Makone avo vachema chema kuti nyika haigoni kuita sarudzo dzakachena vanopikisa vachiitwa tsvimbo mugotsi.
VeTripple C vanoti nhengo dzebato ravo dzakarwiswa mazuva adarika kuMasvingo, Mashonaland West neMatabeleland South.
Asi mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi vati bato ravo harina chikonzero chekutora zvinhu zverimwe bato vachitiwo bato ravo riri pamberi mukukurudzira runyarararo munyika.
Murongi wemabasa muZimbabwe Election Support Network Amai Ellen Dingani vakurudzira runyararo munyika vachiti mhirizhonga inoita kuti sarudzo dzisabude zvakanaka.
Hatina kukwanisa kunzwa kubva kumutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyati sezvo nharembhozha yavo yange isiri kudairwa.
Mukuru weMedia Center VaEarnest Mudzengi vashorawo kwavati kuvhiringidzwa kwemisangano pamahofisi avo vachiti basa ravo nderekuona kuti chero upi zvake munhu anoda kutaura nevatori venhau anowana mukana.
VaMakone vashorawo sangano rinoona nezvesarudzo munyika reZimbabwe Electoral Commission vachiti ririkutadza kuvapa gwaro revavhoti sezvinosungurwa nemutemo wenyika kuti vanyatsoongorora zviri kuitika mukuganhurwa kwematunhu kuitira sarudzo kana kuti Delimitation.
Studio 7 yakundikana kubata mutauriri weZEC VaJasper Mangwana kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi. Asi munguva pfupi yadarika, VaMangwana vakaudza Studio 7 kuti vachabata basa rekuganhura miganhu nemazvo uye zviri pachena.
VaMangwana vaudzawo bepanhau reHerald kuti munhu wese akasununguka kunoona gwaro revavhoti pasina muripo vachiti avo varikuda gwaro revavhoti rese ndivo vachabhadhariswa.
Gwaro revavhoti ririkunzi rinenge richida mari inovavarira kusvika kuzviuru mazana maviri zvemadhora ekuAmerica.
Your browser doesn’t support HTML5