Vaimbova mutungamiri wenyika yeNigeria VaOlesegun Obasanjo vari kushora nyika dzemuAfrica nekusatorera Zimbabwe matanho akasimba muna 2017 apo mauto akapidigura hurumende yamushakabvu Robert Mugabe vachiti izvi zvave kupa kuti dzimwe nyika dzemuAfrica dzitevedzere zvakaitika muZimbabwe izvi.
Vachitaura pamberi pedare rePan-African Parliament muJohannesburg, VaObasanjo vati vakatombotaura muna 1999 kuti nyika dzine vatungamiri vakauya nepfuti dzimiswe kuva nhengo dzeAfrican Union asi hapana akavateerera.

Vaimbova mutungamiri weNigeria VaOlusegun Obasanjo
Vati zvaitaurwa nemauto emuzimbabwe zvekuti vainge vasiri kupidigura hurumende hazvina nematuro ose. Vatiwo vatungamir havafanire kuvandudza mabumbiro emitemo kuti vatonge kusvika madhongi amera nyanga.

Vachipindura, mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko mubao reZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi vati zviri kutaurwa naVaObasanjo hazvina nematuro ose vachiti havaratidze kuti vanonzwisisa matambudziko akatarisana neZimbabwe.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaTafadzwa Mugwadi
Nyanzvi munyaya dzezvematongero enyika vachitungamira sangano reZimbabwe Democracy Institute Doctor Pedzisayi Ruhanya vaudza Studio 7 kuti zviri kutaurwa naVaObasanjo zvakakosha asi vakati vatungamiri vemuAfrica havadi kugadzirisa matambudziko asati akomba semuenzaniso vati zvinhu muZimbabwe zviri kuratidza kuti hazvina kumira zvakanaka pamberi pesarudzo dza2023 nenyaya yemhirizhonga asi hakuna ari kuda kupindira.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaPedzisai Ruhanya
Kubva zvapidigurwa hurumende yaVaMugabe, vatungamiri venyika sere muAfrica vapidigurwa nemauto uye mauto akayedza akakundikana kupidigura hurumende kanomwe.