Zimbabwe Yokurudzirwa Kuremekedza Kodzero dzeVanhu Isati Yatambirwa Kuva Nhengo yeCommonwealth

King Charles III

Chikwata chesangano reCommonwealth icho chiri munyika kuongorora kuti Zimbabwe yodzorwa musangano iri here kana kuti kwete, chiri kusangana nehurumende, mapato anopikisa nemasangano anoshanda akazvimirira.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika nekudyidzana nedzimwe nyika dzinoti zvakakosha kuti hurumende iremekedze kodzero dzevanhu pamwe nehutongi hwejekerere kuti kuti itambirwe zvakare muCommonwealth.

Chikwata chenyika dziri mugungano reCommonwealth chiri munyika chiri kuenderera mberi nehurukuro nemapato nemasangano akasiyana siyana. Vataura neStudio 7 vakawanda vanoti hapana chakaipa kuti Zimbabwe idzorwere mugungano iri asi inofanira kuremekedza kodzero dzevanhu. VaTabani Mlambo avo vanogara kuChipinge East, ndemumwe ane muonero uyu.

Mukururu wesangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum iro raita hurukuro nechikwata ichi, Doctor Musa Kika vati vanotsigira kudzokera kweZimbabwe muCommonwelath asi..

Dr Kika vaudza Studio 7 kuti havashamisiki kuti nhengo gumi dzeCitizens Coalition for Change idzo dzange dzave nemwedzi mishanu dzichinyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso panyanya yadziri kupomerwa yekukonzera mhirizhonga kuNyatsime dzapihwa mukana uyu nhasi nekuda kwekuti chikwata cheCommonwealth chiri munyika.

Asi gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vakaudza Studio 7 kuti hurumende haipindire panyaya dzinenge dziri kumatare.

Mukuru weMedia Centre, VaErnest Mudzengi vati zvakakosha kuti vatori venhau vashande vakasungunuka Commonwealth isati ambundira Zimbabwe.

Pari zvino chikwatai ichi chiri kuita musangano neZanu PF uye chiri kutarisirwa kuita hurukuro nemapato eMDC Alliance inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora neCCC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa.

Mutauriri weMDC Alliance, VaWitness Dube, vaudza Studio 7 kuti bato ravo rinoda chose kuti Zimbabwe ipinde muCommonwealth nekuti iri kurasikirwa zvikuru.

Mutauriri weCCC, Muzvare Fadzayi Mahere vati bato ravo richazivisa veruzhinhi parimire munguva inotevera.

Tafadzwa Mugwadi

Mukuru mubazi reZanu-PF rezvekuburitswa kwemashoko VaTafadzwa Mugwadi vat

Nyanzvi munyaya dzezvekudyidzana kwenyika zvakare vachishanda nesangano reZimbabwe Democracy Institute, VaBekezela Gumbo vaudza Studio 7 kuti Zimbabwe ingona kudzorwa muCommonwealth kana pakatariswa nzira dzakashandiswa pakapinda dzimwe nyika dzakaita sana Rwanda.

Hatina kukwanisa kutaura nemutungamiriri wechikwata cheCommonwealth Muzvinafundo Luis Franschesci. Asi vachitaura mumusangano wavaakaita negurukota rezvekudyidzana nedzimwe, VaFrederick Shava nezuro vakati vachaedza nepavanogona kubatsira Zimbabwe kudzoka muCommonwealth.

VaShava vange vasiri kudaira nharembozha yavo asi Studio 7 ine hurukuro yayakaita nemutauriri wemutungamiri wenyika VaGeorge Charamba nezvenyaya iyi yatichakupai muzvikamu zvinotevera. VaCharamba vanoti donzvo reZimbabwe ndseekudyidzana nenyika dzose.

Vaimbove mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, vakaburitsa Zimbabwe muCommonwealth mushure mekunge Zimbabwe yambomiswa kuve nhengo yesangano iri ichipomerw mhosva yekutyora kodzero dzevanhu muna 2003.

Asi zvichitevera kupidigurwa kwehurumende yaVaMugabe, VaMangagwa vakaisa chikumbiro kusangano iri kuti Zimbabwe idzoke izvo zvazoita kuti Commonwealth itumire chikwata ichi.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godwin Mangudya