Varimi Vanoti Mbeu yePfumvudza Haisi Kukwana Uye Vanopikisa Vari Kunyimwa

Nhengo yeZanu PF pakugoverwa kwembeu kuBikita, Masvingo

Vamwe vagari vemudunhu reMasvingo vari kuchema chema kuti mbeu yavari kupihwa pasi pechirongwa chehurumende chePfumvudza haisi kukwana uye vamwe vemapato anopikisa vari kuinyimwa. Izvi zviri kuitika apo nyika yatarisana nesarudzo dzegore rinouya.

Kunyangwe varimi vari kuti vange vatema ndima huru kunzvimbo dzakaita sekwaGutu, Bikita Zaka nedzimwe vanoti vakangopuwa mbeu inokwana makirogiramu maviri pamhuri.

VaWellington Zundu vemuraini remaChikutuva kuNemamwa vanoti vakapuwa makapu asingakwani minda yavo.

Izvi zvatsinhirwa naVaCosmas Masukume veku ward 29 kuBikita South vati vange vachifunga kuti vapunyuka mukutenga mberu inodhura.

Hurumunde irikupawo varimi ava fotiraiza asi inonzi ishoma sezvo vari kudiirirwa mumakapu sembeu.

Vamwe vakaita saVaTirivashe Macheke vekuWard 13 kuBikita West vanoti pave kuitwawo zvematongerwa enyika sezvo vebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change(CCC) vari kunyimwa zvikwanisiro.


Mukuru wevarimisi mubazi rezvekurima muMasvingo, iro riri kugovera mbeu nefotereza, VaNobert Musasiwa vati hurumende iri kupa munhu wese mbeu pasina kusarura.

Izvi zvatsinhirwawo nasachigaro weZanu PF mudunhu reMasvingo, VaRobson Mavhenyengwa vati bato ravo harisi kupindira muchirongwa che hurumende chavati chiri kupa munhu wese sezvakataurwa nemutungamiriri wenyika.

Asi VaMasukume vati aya manyepo vachiti vashandi vehurumende vebazi rezvekurima vari kutyisidzirwa simba nevatsigiri veZanu PF .

Vamwe vagari kwaChivi vanoti mbeu yakawanda iri kupuwa vanotsigira bato rinotonga uye masabhuku, veruzhinji vachishaiwa.

Tsaga re50 kg yefotereza yerudzi rweCompound D rinonzi riri kutengeswa nemadhora ekuAmerica ari pakati pemakumi matatu nemapfumbamwe, kana kuti US$39.00 nemadhora makumi mana nemashanu, kana kuti US$45-00.

Tsaga re50 kg Urea rinonzi mune zvimwe zvitoro riri kutengeswa nemadhora ekuAmerica makumi manomwe zvichikwira, kana kuti US$70-00, kuchitiwo fotereza yepamusoro kana kuti AN, iri kutengeswa nemadhora ekuAmerica ari pakati pemakumi mashanu nemaviri, kana kuti US$52.00, richisvika kumadhora makumi mapfumbamwe kana kudarika kuzvitoro zviri kumaruwa ari kure neHarare kana kuti US $90.00.

Mbeu iri kutengeswa nemadhora makumi matatu pamakirogiramu gumi kana kuti US$30.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godfrey Mtimba