VaJonathan Moyo naVaPatrick Zhuwao Vokumbira Ruregerero kuNhengo dzeZanu-PF Kwete KuHutungamiri hweBato

Vaimbova makurukota ehurumende Muzvinafundo Jonathan Moyo naVaPatrick Zhuwao avo vari muhupoteri vanyorera tsamba kunhengo dzebato reZanu-PF vachikumbira ruregerero nezvavaimbotaura zvekuti Zanu-PF iparadzwe.

Vane ruzivo nenyaya iyi vanoti vaviri ava havana kutumira tsamba kumutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kana kubato iri asi kunhengo dzemusangano dzavanoti dzainge dzisinei nekupidigurwa kwehurumende yamushakabvu Robert Mugabe muna 2017.

Asi mushure memashoko aya, bato reZanu PF rinoti pane mukana wekuti richatambira nhengo dzechimwe chikwata chebato iri chinozivikanwa nekuti G40 ndokunge dzanyora tsamba zviri pamutemo dzichikumbira ruregerero.

Mutsamba yavo yaburitswa padandemutande reTwitter naVaMoyo, vaviri ava vakati vaiona sekuti kutsigira VaNelson Chamisa vachiri mutungamiri weMDC Alliance kwaizoita kuti vanhu vazhinji vane mafungiro akasiyana-siyana vabatane dai VaChamisa vakabudirira musarudzo idzi idzo dzavanoti dzakabirirwa zvemhando yepamusorosoro. VaMoyo naVaZhuwawo vakataurawo zvakare kuti kubviswa kwakaitwa VaMugabe kwaisava pamutemo.

Taedza kubata munyori anoona nezvemitemo muZanu PF, VaPaul Mangwana, vakati titaute nemutauriri webato ravo VaChristopher Mutsvangwa avo vanga vasiri kudaira nhare dzavo. Asi mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vati bato ravo harisati ratambira tsamba iyi.

VaMugwadi vati VaMoyo naVaZhuwawo havafaniri kutaura zvavanoda kuti zviitwe kana vachida kudzorwa mumusangano kunyange hazvo vachiti pane mukana wekuti vatambirwe mumusangano wavo.

Vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemutauriri webato reCCC, VaOstallos Siziba vati vanga vari parwendo vakaati tirature nemukuru wavo, Muzvare Fadzayi Mahere, avo vanga vasati vapindura mibvunzo yatavatumira pataenda pamhepo.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika VaRashweat Mukundu, vati VaChamisa vakagona zvikuru nekusaswededza vaviri ava pedyo navo vachiti vakafanana netsukukuviri.

VaMukundu vatiwo kutsigira VaChamisa kwakaitwa naVaMoyo naVaZhuwawo kwaive kurwadziwa nekubviswa kwakanga kwaitwa VaMugabe pachigaro.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, Muzvare Sibongile Mgijima, vati tsamba yaVaMoyo naVaZhuwawo iyi inoratidza zvinhu zviviri.

VaMoyo naVaZhuwawo vakatiza munyika pamwechete nevaimbova gurukota rezvematunhu, VaSaviour Kasukuwere, gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaWalter Mzembi nevamwe muna 2017 pakapidigurwa hurumende yaVaMugabe nemauto.

Hatina kkukwanisa kubata VaKasukuwere, avo vari kuSouth Africa, kuti tinzwewo pfungwa dzavo pamusoro petsamba yaVaMoyo naVaZhuwawo iyi. VaMzembi vati havana chekutaura parizvino. VaZhuwao vange vasati vapindura mubvunzo wedu watavatumira.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Frank Chikowore