vanhu vana vakwikwidzana musarudzo dzekutsvaga seneta wechirume achamirira vanhu vakaremara mudare reSeneti zvichitevera kushaya kwaSeneta Watson Khupe muna Chikumi wegore rino.
Vana ava ndiVaIshmael Zhou, VaTaurai Kadzviti, VaEdward Supa Mundanga pamwe naVaKudakwashe Masvinyangwa.
Zvichabuda musarudzo idzi, idzo dziri kutungamirwa neveZimbabwe Electoral Commission, zvinotarisirwa kuziviswa manheru ano.
Vachitsvaga rutsigiro mushure mekudomwa kupinda musarudzo idzi, vana ava vavimbisa kusimudzira hupenyu hwevanhu vakaremara kana vachinge vakunda.
VaKadzviti vati vakaremara vane nzara uye vanoda kuona vachipihwawo minda nekusimudzirwa munyaya dzehupfumi.
VaMasvinyangwa vati mutemo weNational Disability Policy unoda kuvandudzwa vachiti hazvibatsiri kuve nemutemo kana usingatevedzwe.
Vatiwo zvikamu gumi nezvishanu kubva muzana pazvinzvimbo zvehutungamiriri mumabasa nezvimwe zvinofanira kutorwa nevanhu vane hurema sezvo vanhu ava vari zvikamu gumi kubva muzana zvevanhu vese vari munyika.
Vamwe vavhota musarudzo idzi ndiVaSimbarashe Chipindura, avo vaudza Studio 7 kuti huwandu hwevanhu vanomirira vakaremara muparamende hunofanira kuwedzerwa.
Izvi zvatsigirwa naVaLiberty Lupahla, avo vati hurema hwakasiyana nekudaro panofanira kusarudzwa vanhu vane hurema hwakasiyana kwete kungoramba pachivhoterwa vanhu vane hurema hwakafana.
Vana vese vapinda musarudzo dzanhasi vane hurema hwakasiya. VaZhou havaone, VaKadzviti vane pfari, VaMasvingwa musope, kozoti VaMundanga vakaremara mutezo, (physical disability).
VaJosam Kumhandi, avo vavhotawo musarudzo dzanhasi, vaudza Studio 7 kuti zvichemo zvavo hazvisi kunatso kugadziriswa nenzira dzavanotarisira nadzo.
Vati tariro yavo ndeyekuti anenge asarudzwa apa achashanda nesimba kuona kuti zvichemo zvavo zvagaradziriswa kuti vakwanise kurarama pasina matambudziko avanotarisana navo.
Sarudzo dzanhasi dzaitwa kutsvaga munhu achatora chinzvimbo chakasiiwa naseneta Watson Khupe avo vakashaya munaChikumi gore rino.
Bumbiro remutemo rinopa zvigaro zviviri kuvanhu vakaremara kuti vamirire vamwe vavo mudare reseneti. Vaviri ava vanenge vari munhurume nemunhukadzi.
Mumwe anomirira vanhu vakaremera mudare reSeneti ndiSenata Nasper Manyau.
Your browser doesn’t support HTML5