Gamba reNyika, VaKenneth Manyonda, Vanoradzikwa kuNational Heroes' Acre

Gamba renyika, VaKenneth Manyonda vachiradzikwa paNational Heores' Acre muHarare.

Gamba renyika, VaKenneth Vhundukai Manyonda, avo vakashaya svondo rapfuura varadzikwa panzvimbo inovigwa magamba enyika yeNational Heroes Acre muHarare, mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachikurudzira makanzuru ekumaruwa kuti aise zvese zvinodiwa kukwezva vemaindasitiri nevemabhizimisi.

VaMnangagwa varumbidza mushakabvu semurwi wehondo yesununguko, mumiriri wevashandi pamwe nemushandi wehurumende aida kusimudzira vanhu kuti vagare zvakanaka.

Vati VaManyonda vakaratidza izvi pakurarama kwavo kwese vachiti vakaita zvirongwa zvakawanda zvekusimudzira vanhu kumaruwa apo vaimirira Bhuhera North muparamende, vachiti hurumende yavo yave kutevedza zvido zvavo nekuvaka maindasitiri pamwe nekumakwezva kuti aendewo kumaruwa.

Vanoti nekuda kwaizvozvo, makanzuru ekumaruwa anofanira kuona kuti maGrowth Point ese ane zvikwanisiro zvinokwezva vemaindasitiri.

Hama dzegamba renyika, VaKenneth Manyonda.

Vatiwo mari inobva kuhomwe yeDevolution Fund inofanira kushandiswa pamabasa ekusimudzira hupenyu hwevanhu, vakatiwo vanhuwo vanofanira kutsigira hurumende mukusimudzira maruwa nekuvaka kunzvimbo idzi nekuita mabasa anoita kuti vagari veko vawanewo mari yakawanda.

Vatiwo kumaruwa kunoda magetsi kuti kubudirire vachiti ivo pachavo vatove nezvirongwa zvekusimudzira vanhu nekuvawanisa mvura zvakaita sePresidential Borehole Drilling Scheme.

Asi mutungamiriri wesangano rinomirira varairidzi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vaudza Studio 7 kuti vanhu kumaruwa vachiri kurarama hupenyu hwepasipasi izvo zvasingatarisirwi makore anodarika makumi mana nyika yawana rusununguko.

Izvi zvatsigirwa nevanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, Dr Wurayayi Zembe, avo vati hazvigoni kuti kumaruwa kuve nebudiriro iwo magetsi achitonetsa mumaguta nemadhorobha.

VaMnangagwa vati VaManyonda munhu akaziva kuti kutorerwa ivhu zvainge zvisina kunaka ndosaka vakazotanga basa rekuona kuti ivhu radzoka kuvanhu vari mumasangano anomirira vashandi pamwe nemapato ezvematongerwo enyika.

VaManyonda, avo vakazvarwa muna 1934, vakave nhengo yemapato akaita seNational Democractic Party, ZAPU neZANU uyewo vakambotungamira sangano reAfrican Trade Union Congress.

Pakapera hondo, VaManyonda vakave mumiriri weBuhera North muparamende kubva muna 1985.

Vakaitawo mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, (Information, Posts and Telecommunications), vakazove Gavhuna wedunhu reManicaland vasati vaenda pamudyandigere.

VaManyonda, avo vakashaya nemusi weChitatu chapfuura vari kuchipatara cheNew Marlborough Hospital, vave nemakore makumi masere nemasere (88), ndivo vange vave Ishe Nerutanga, uye vasiya vana vana.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya yekuvigwa kwaVaManyonda ina Godwin Mangudya