Zvimwe Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri muAmerica Zvoshandisa Zororo reThanksgiving Kunamata neKubatana seMhuri

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Reverend Rebecca Makayi

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinogara kuMinnesota muAmerica Reverend Rebecca Makayi vanoti ivo nemhuri yavo vachange vachipembere zuva reThanksgivig nhasi nekudya zvinonaka nekubatana semhuri.

Vanoti zuva iri rakakosha sezvo riri zuva rekutenda Mwari nezvaanenge akaitira mhuri. Vanoti mhuri yavo yave kukoshesa zuva iri zvikuru nekuti ndiro zuva ravanotura mafemu vachiyanana nekutenda Mwari.

Zororo reThanksgiving muAmerica rinonzi rakatanga muna 1620 apo vachena vakazopamba nyika iyi vakatanga kugara vachidya nevaive varidzi venyika verudzi rweWampanong Indians. Mutungamiri wenyika yeAmerica wekutanga George Washington akazoita zororo zuva reThanksgiving muna 1789.

"Tiri kufara kuti tichange tiri pamwechete semhuri tichiyanana pazuva iri. Zuva iri rakakosha nyanya kunevatendi zvakare sezvo vachitora nguva yekupa kutenda kunaIshe pazuva iri," Reverend Makayi vaudza Studio7.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naReverend Rebecca Makayi