ZRP Inoti Mari Yayakapihwa muBhajeti naVaNcube Haikwane Kutenga Pfuti, Hutsi Hunokatyidza neZvimwe

Mubhajeti risati ratambirwa nedare reparamende kana kuti budget proposal ravakatura vhiki rapera, gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vakapa mapurisa eZimbabwe Republic Police kana kuti ZRP mari inosvika mabhiriyoni makumi matanhatu emunyika kana kuti 60 billion dollars ekuita mabasa. Asi vakuru vemapurisa vanoti kuti vakwanise kuita zvavanotarisirwa kuita, vanoda mari inosvika mabhiriyoni mazana mashanu nemakumi masere kana kuti 580 billion yemunyika.

Mumwe mutevedzeri wemukuru wemapurisa achiona nezvevashandi, Deputy Commissioner General (Human Resources) VaElliot Ngirandi, vaudza nhengo dzeparamende kuti ZRP mari yavari kunzi vapihwe kana bhajeti rikatambirwa nedare iri ishoma zvikuru pane zvavange vachitarisira.

Semuenzaniso, vatiwo vaida mari inosvika mabhiriyoni mazana mana nemakumi maviri emadhora kana kuti 420 billion pamabasa akasiyana siyana akafanana nekutenga zvombo, motokari nezvimwe zvikwanisiro asi vakapihwa mabhiriyoni gumi nemaviri emadhora emunyika chete kaba kuti 12, 6 billion.

VaNgirandi vati vaida mari inosvika makumi mashanu emabhiriyoni kana kuti 50 billion doallrs kuti vakwanise kuendesa mapurisa kunzvimbo dzakasiyana siyana siyana. Vati mapurisa anoenda kubasa asina mari yekubatsirikana kana kuti maallowances vakatiwo mapurisa ari kushandisa mbozhanhare dzavo pachinhambo chekushandisa zviovha zvepabasa.

VaNgirandi vatiwo zvinosuwisa kuti vane vanenge vari muhusungwa kuzvitokisi havawani chekafu.

Vatiwo kana zvipatara nemakirinika zveeZRP hazvina mishonga uyewo vaida mabhiriyoni matanhatu ekutenga mishonga asi vakapihwa mabhiriyoni maviri chete pabhajeti regore rinouuya.

VaNgirandi vakumbira nhengo dzeparamende kubva kukomiti inoona nezvemukati menyika nekomoti yeSeneti inoona nezverunyararo munyika kuti vataure negurukota rezvemari kuti riwedzere mapurisa mari .

Asi munyori mubazi rezvekudzivirirwa kwenyika, VaAaron Nhepera, vavimbisa nhengo dzeparamende kuti munyika hamusi kuzoita nyonga nyonga nekuda kwekuti ZRP yakapihwa mari shoma vachiti vakatoudza mutungamiriri wenyika nezvenyaya iyi.

Vakumbirawo nhengo dzeparamende kuti dzitaure nebazi rezvemari kuti ripeZRP mvumo yekushandisa mari yefaindi nedzimwe dzainowa vachiti izvi zvinoita kuti mmapurisa awane mari yekushandisa yakakwana.

Zvichakadai mukuru mubazi reCivil Registry, Registrar General, VaHenry Machiri, vaudzawo nhengo dzeparamende kuti bazi ravo harina kuwana mari yaraida mubhajeti vachiti vakapihwa mabhiriyoni gumi reimwe kana kuti 1, 1 billion chete asi ivo vaida zana remabhiriyoni emadhora kana kuti 100 billion dollars.

VaMachiri vati vashandi vebazi ravo vakatoresa vanhu zvitupa mumatunhu ese munyika pasi pechirongwa cheNational Mobile Registration gore rino havasti vabhadhra.

Varatidzawo kusafara nenyaya yekuti havana kupihwa mari yekunyoresa vanhu kuvhota zvakare kana Zimbabwe Electoral Commission ichinge yapedzeda kutara miganhu yenzvimbo dzekuvhotera gore rinouya kana kuti Delimitation.

VaNhepera vatiwo kunyoreswa kwevanhu kwakashosha uye vakumbira nhengo dzeparamende dzione zvadzingaiite kuti mari yekuita izvi iwanike.

Sachigaro wekomiti inoona nezvekudzvirirwa kwenyika, VaAlbert Nguluvhe pamwe nasachigaro wekomiti inoona nezverunyararo, VaDavid Parirenyatwa vaudza VaNhepera nevamwe kuti vataure zvinhu zvakakosha zvavanoda kuti zviwedzera mari vachiti zviri pachena kuti hapana mari yakawanda yekupa kuzvirongwa zvese zvabazi ravo.

Pari zvino mapazi ese ehurumende ari kusangana nemakomiti eparamende achitaura kuti anoda kuwedzerwa mari yakawanda zvakadii paramende isati yapasa bhajeti re4.5 trilllion rakaturwa svondo rapfuura. Mapazi ehurumende ainge achida mari inosvika matrillion masere nemabhiriyoni manomwe kana kuti 8,7 trillion.