Vamwe Vagari vemuHarare Vopedza Mwedzi Minomwe Vasina Mvura

Vamwe vagari vekuGlen Norah nedzimwe nzvimbo dzeGlen View vave kutyira hutano hwavo sezvo vasvika mwedzi vasina mvura.

Mukuru mubazi rezvehutano mukanzuru Dr Prosper Chonzi vakatenda kubepanhau reSunday Mail kuti vanhu vanodarika chiuru chimwe chete vainge vabatwa nechirwere chemanyoka muHarare zvikuru kumisha inogara vazhinji. Vakati kushaikwa kwemvura yakachena ndiko kuri kukonzera dambudziko iri.

Pashanyirwa nzvimbo mbiri idzi neStudio 7 nhasi, vagari vanga vakazara pazvibhorani vachichera mvura iyo vanopimirwa kuti vakwanise kuwana yekunwa kunyanya.

Gogo Mhlanga vane makore makumi masere vati vanomuka mashambanzou kuti vanobata mutsetse wemvura kuchibhorani zvinova zvinhu zvkaoma pazera ravo

Izvi zvatsigirwawo naAmai Nomsa Chileya vemuGlennorah vanga vakagarirawo mvura.

Gogo Basilla Kativhu vanogara muGlenview 7 vaudza Studio 7 kuti ivo nevazukuru vavo vatove nemavhiki matatu vachirwara nemanyoka uye vanoti zviri kukonzerwa nekushaya mvura.

Vanoona kuti mvura yacherwa murunyararo pachibhorani chezuva chakacherwa neOXfam mumusha wevazhinji weGlennorah VaKennedy Bwanali vati vanopa imba neimba migomo mina chete kuti ikwanire munhu wose.

VaBwanali vatiwo nekuda kwekuti chibhorani ichi chinoshanda nesimba rezuva kana kuti solar, mamwe mazuva mvura inogona kushomeka zvakanyanya kana kuine makore.

Vachitaura neStudio 7 meya weguta reHarare VaJacob Mafume vabvuma kuti nzvimbo idzi dzave nenguva dzisina mvura vachiti izvi zviri kukonzerwa nekushomeka kwemishonga yekuchenesa mvura.

Kunyangwe zvazvo vamwe vagari vanga vachichema chema nekuwanda kwezvirwere zvemidumbu VaMafume vati havasati vanzwa nezvedambudziko iri.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Rutendo Mawere