Vanoita zvekubheja mitambo yenhabvu vari kuchema chema nekudyiwa mari kwavari kuitwa nemakwikwi e2022 World Cup ayo arikubura zvishamiso muQatar.
Vanoita zvekubheja mitambo ava vari kuchema nekudyiwa kwavari kuitwa mari dzavo nezvishamiso zviri kuitika mumakwikwi arikuitwa e2022 World Cup.
Zvikwata zvine mukurumbira izvo vane chivimbo nazvo zviri kurohwa nezvikwata zvavasingafungire muhondo yekurwira mukombe mukuru uyu.
Nezuro chaiye Senegal yakapunzira pasi Ecuador 2-1 ndokuita chikwata chekutanga muAfrica kupinda munharaunda yechipiri kumakwikwi aya.
Mimwe mitambo iri pedyo ndeiyo inoti Morocco 2 Belgium 0, Argentina 1 Saudi Arabia 2, Japan 1 Germany 2, Costa Rica 1 Japan 0, neTunisia 0 Denmark 0.
Vamwewo havasi kukanganwa mutambo wemuvhuto uyo Cameroon yakadzora kubva 3-1 pasi ndokuzoita mangange 3-3 neSerbia.
Vanoita zvekubheja mitambo yenhabvu VaOliver Musongoro vanoti vanzwa nekurohwa kwavari kuitwa mari yavo iyo irikutsvedza sesipo.
Mutsigiri wenhabvu VaJustice Muzanenhamo vanoti varikunzwira tsitsi avo vaive vakanda mari dzavo paJapan iyo yakarohwa neCosta Rica 1-0.
Kubheja mitambo yenhabvu ratove basa rema zuva ese revazhinji kwete muZimbabwe kana muAfrica chete asi pasi rese.
Asi kune vamwe vasiri kushamiswa ne zviri kubuda kuWorld Cup izvi vachiti mumutambo wenhabvu hamuna zvakanyorwa kunzi anofanira kukunda ndiani.
Aimboridza pembe muPremier Soccer League VaSam Hamandawana vanoti nhabvu yekare neyemazuva ano zvasiyana zvikuru nekuti hapasisina chikwata chinonzi chinokunda mutambo usati watambwa.
Aimbove murairidzi weCaps United Darlington Dodo anoti zvakaitwa neSaudi Arabi neJapan uyezve zvaitwa neMorocco zvinoratidza kuti nhabvu yasanduka zvekuti nyika dzaitarisirwa pasi pasi dzasimukawo.
Asi Argentina yakakwanisa kukwakukwa kubva mukurohwa neSaudi Arabia ndokurovawo Mexico 2-0.
Aimbobatira Zimbabwe neHighlanders Tapuwa Kapini anofunga kuti Argentina iyi ndiyo yezvimwe zvikwata zvinokwanisa kutora mukombe.
Zvimwe zvikwata zvirikutarisirwa kurwira zvakasimba kutora mukombe uyu iBrazil, Spain, neFrance iyo yakatora mukombe wacho muna 2018.
France yatove munharaunda yechipiri mushure mekukunda mumitambo yayo yese miviri neAustralia neDenmark.
Your browser doesn’t support HTML5